Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

‘Imbira Jehovha Uchifara’

 RWIYO 36

Tinorinda Mwoyo Yedu

Sarudza Zvakarekodhwa
Tinorinda Mwoyo Yedu

(Zvirevo 4:23)

  1. 1. Tinorinda mwoyo yedu,

    Tichinzvenga chivi.

    Mwari anoona mwoyo,

    Munhu wemukati.

    Unombonyengera pfungwa,

    Toda kurasika.

    Pfungwa ngadzidzore mwoyo

    Usatitsausa.

  2. 2. Tagadzirira mumwoyo,

    Tinonyengetera.

    Tinorumbidza Jehovha,

    Tomuudza zvese.

    Zvatinodzidziswa naye,

    Tinoda kuzvi’ta.

    Tikavimbika pamwoyo,

    Mwari ticham’fadza.

  3. 3. Tinodzivirira mwoyo

    Nekufungisisa.

    Shoko rinobaya mwoyo,

    Tobva tasimbiswa.

    Vakavimbika kwaari,

    Anovada Mwari.

    Tomuda nemwoyo wese

    Sedzake shamwari.