Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

ZVIRI MUKATI

Zvapupu zvaJehovha

Shona

‘Imbira Jehovha Uchifara’

 RWIYO 26

Makazviitira Ini

Sarudza Zvakarekodhwa
Makazviitira Ini

(Mateu 25:34-40)

  1. 1. Kune boka guru remamwe makwai

    anoshanda nemwenga waShe Jesu.

    Zvese zvaanoitira vakazodzwa

    achapiwa mubayiro naJesu.

    (KORASI)

    “Maivanyaradza, ndikanyaradzwa.

    Izvozvo maitoitira ini.

    Maivatsigira ndikatsigirwa.

    Pamakavapa, makandipawo.

    Izvozvo maitoitira ini.”

  2. 2. “Makandibatsira munzara nenyota,

    makandipawo zvese zvandaida.”

    “Takazviita ri’ni?”

    Vachamubvunza.

    Mambo achapindura achivati:

    (KORASI)

    “Maivanyaradza, ndikanyaradzwa.

    Izvozvo maitoitira ini.

    Maivatsigira ndikatsigirwa.

    Pamakavapa, makandipawo.

    Izvozvo maitoitira ini.”

  3. 3. “Imi manga makavimbika kwandiri,

    pamaiparidza nehama dzangu.”

    Kumakwai ari

    kurudyi achati:

    “Garai nhaka nekusingaperi.”

    (KORASI)

    “Maivanyaradza, ndikanyaradzwa.

    Izvozvo maitoitira ini.

    Maivatsigira ndikatsigirwa.

    Pamakavapa, makandipawo.

    Izvozvo maitoitira ini.”