(Pisarema 36:9)

  1. 1. Mucheche wese, Donhwe remvura,

    Nechiedza chezuva, Nezvekudya;

    Zvipo zvaMwari; Zvinomukudza.

    Zvishamiso zvake zvezuva nezuva.

    (KORASI)

    Chipo chakakosha, todini nacho?

    Ngatide akatipawo upenyu hwedu.

    Nyange zvikadini, hatimbohutengi;

    Chichingori chipo, uye chishamiso.

  2. 2. Vamwe vokanda mapfumo pasi,

    Vanoti kufa zvavo kuri nani.

    Kana tirisu, tokudza Mwari,

    Neupenyu hwatinokoshesa kwazvo.

    (KORASI)

    Chipo chakakosha, todini nacho?

    Tide vamwe, tivabatewo zvakanaka.

    Nyange zvikadini, hatimbohutengi;

    Chichingori chipo, uye chishamiso.