Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

ZVIRI MUKATI

Zvapupu zvaJehovha

Shona

‘Imbira Jehovha Uchifara’

 RWIYO 139

Zvione Uripo, Zvese Zvava Zvitsva

Sarudza Zvakarekodhwa
Zvione Uripo, Zvese Zvava Zvitsva

(Zvakazarurwa 21:1-5)

  1. 1. Fungidzira tiri tese;

    Ona tirimo munyika itsva.

    Fungidzira tichifara,

    Kugara tiri murugare.

    Vakaipa, kusisina;

    Kutonga kwaMwari kwakunda.

    Nyika itsva ichange yazosvika.

    Ticharumbidza Ishe nemwoyo wese:

    (KORASI)

    “Jehovha Mwari makazonaka!

    Mazoita zvinhu zvese zvitsva.

    Mwoyo yedu izere nekurumbidza;

    Kukudzwa, kurumbidzwa ndezvenyu mega.”

  2.  2. Chizviona tiri tese;

    Tarisa mberi kunyika itsva.

    Zvinhu zvese zvinotyisa

    Hazvizovi munyika itsva.

    Zvinhu zvese zvazadziswa;

    Tende rake rava pavanhu.

    Achamutsa vakarara murufu;

    Ticharumbidza Ishe navo tichiti:

    (KORASI)

    “Jehovha Mwari makazonaka!

    Mazoita zvinhu zvese zvitsva.

    Mwoyo yedu izere nekurumbidza;

    Kukudzwa, kurumbidzwa ndezvenyu mega.”