Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

ZVIRI MUKATI

Zvapupu zvaJehovha

Shona

‘Imbira Jehovha Uchifara’

 RWIYO 135

Chikumbiro chaJehovha Cherudo: ‘Mwanangu, Iva Akachenjera’

Sarudza Zvakarekodhwa
Chikumbiro chaJehovha Cherudo: ‘Mwanangu, Iva Akachenjera’

(Zvirevo 27:11)

  1. 1. Mwanangu iwe ndipewo mwoyo wako,

    Muvengi anondishora azvione.

    Ndipe udiki hwako nekuzvipira.

    Ratidza nyika unondiraramira.

    (KORASI)

    Mwana wangu wandinodisa,

    Ngwara, undifadze mwoyo.

    Ndishumire nemwoyo wese,

    Undirumbidze uchida.

  2. 2. Nakidzwa, farira kundipa zvauri.

    Nyange ugumburwe, ndichakusimudza.

    Kunyange vanhu vangangokurasisa,

    Nyaradzwa kuziva kuti ndinokuda.

    (KORASI)

    Mwana wangu wandinodisa,

    Ngwara, undifadze mwoyo.

    Ndishumire nemwoyo wese,

    Undirumbidze uchida.