Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Sarudza Mutauro Shona

Tinoshamiswa Nebasa Renyu

Tinoshamiswa Nebasa Renyu
ONA
  1. 1. Zviri kuitwa neUmambo kubvira kare,

    Zvir’ kundiwanisa Shoko renyu nechokwadi.

    Muranda wenyu anotijekesera zvinhu,

    Otipa vatariri vanond’fudza nerudo.

    Magungano edu anotibaya mwoyo.

    Panopera rimwe ndoti, “Ir’ rapfu’ra ese!”

    Pamisangano ndino’na kuti munondida;

    Ndinodzidza kuwedzera pane zvand’noita.

    (KORASI)

    Rinotishamisa,

    Basa renyu nereUmambo.

    Tinoda Umambo.

    Kutenda kwedu kokura nekukuzivai.

    Tamirira zvichaitwa neUmambo hwenyu.

  2. 2. M’notipa rukudzo rwekushandawo nemi,

    Ushumiri hw’noratidza, rudo rwatinarwo.

    Madzidzisire enyu nerugare rwam’nopa,

    Zv’notiratidza upenyu hwatinonyatsoda.

    Nziyo dz’nobudisa zviri mumwoyo mangu,

    Nek’namata kwemhuri, zv’notipa mweya wenyu.

    Takabatana pasinei nekuti tobvepi—

    Ukama hwakadai hungambowanikwepi?

    (KORASI)

    Rinotishamisa,

    Basa renyu nereUmambo.

    Tinoda Umambo.

    Kutenda kwedu kokura nekukuzivai.

    Tamirira zvichaitwa neUmambo hwenyu.