Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Sarudza Mutauro Shona

Tarisa Kuno

Tarisa Kuno
ONA
  1. 1. I—Isa foni pasi.

    Tiitewo nyaya;

    Zvinh’ zv’nokupfu’ra uri pafoni.

    Upenyu hune zvakawanda

    Kupfu’ra zvemalikes.

    Zvingani zvatisat’ taona? Asi—

    Unozvionerepi us’ngambobviwo pafoni?

    Ida vanhu chaivo, shamwari.

    (KORASI)

    Tar’sa kuno

    Uonewo

    Nechekuno.

    Tiri mhuri yemunyika yese.

    Tar’sa kuno

    Ndiku’dze

    Chokwadi:

    Tinokuda. Siya fon’ unditarise.

  2. 2. Chi—Chimboonawo.

    Vari kuonei?

    Usabirwe shamwari nefoni.

    Shamwari chaidzo dziriko,

    Dzinodawo Mwari,

    Dz’nomira newe nyange zvodini. Asi—

    Unodziwana sei us’ngambobviwo pafoni?

    Ida vanhu chaivo vaunavo.

    (KORASI)

    Tar’sa kuno

    Uonewo

    Nechekuno.

    Tiri mhuri yemunyika yese.

    Tar’sa kuno

    Ndiku’dze

    Chokwadi:

    Tinokuda. Siya fon’ unditarise.

    (KUMBOTORA MAFEMO)

    Siya fon’ unditarise.

    (BHIRIJI)

    Usabvume kutongwa nayo.

    Pamwe uri kungonyeperwa ipapo.

    Pamwe ungazorwadziswa.

    Dai wadzosa pfungwa pano, kuno, usaitwe muranda.

  3. 3. Chi—mboiisa pasi.

    Ukasaiisa pasi,

    Zvakanakisa zvichakupfu’ra.

    Tarisa uonewo—

    Zvatinonyatsoda

    Zvagara zviripo. Unoda chete ku-

    nzwisisa chawakabata hachina kukosha.

    Shamwari unadzo dzechokwadi.

    (KORASI)

    Tar’sa kuno

    Uonewo

    Nechekuno.

    Tiri mhuri yemunyika yese.

    Tar’sa kuno

    Ndiku’dze

    Chokwadi:

    Tinokuda. Siya fon’ unditarise.

    Onawo

    Nechekuno.

    Tiri mhuri yemunyika yese.

    Tar’sa kuno

    Ndiku’dze

    Chokwadi:

    Tinokuda. Siya fon’ unditarise.