Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Sarudza Mutauro Shona

Nzvimbo Yangu

Nzvimbo Yangu
ONA

Dhaunirodha:

  1. 1. Vamwe havana zvinetso,

    Vanowana zvavanoda.

    Ndoziva zvakarurama;

    Ndinoziva nzvimbo yangu.

    Ndinofadzwa nokuziva

    Kwandinofanira kuva

    Kuti ndiwane shamwari

    Dzinondivaka nokuda.

    (KORASI)

    Mumwoyo mangu,

    Ndonyatsoziva.

    Jehovha, ndimi

    M’chandibatsira,

    Ndizive nzvimbo yangu.

  2. 2. Ndoziva mumwoyo mangu,

    Ndakamira pandinoda.

    Ndorava Shoko raMwari

    Rinondibaya pamwoyo.

    Ndinoziva, ndinoona

    Kune shamwari chaidzo.

    Ndozvandoda; Ndivo mhuri;

    Ivo chipo chaJehovha.

    (KORASI)

    Mumwoyo mangu,

    Ndonyatsoziva.

    Jehovha, ndimi

    M’chandibatsira,

    Ndizive nzvimbo yangu.