Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Sarudza Mutauro Shona

Ndinokupai Zvese

Ndinokupai Zvese
ONA

Dhaunirodha:

  1. 1. Baba vekudenga ndoda kukupai zvese,

    Ndikudei, ndikufadzei kweupenyu hwangu hwese.

    Nd’chabatsira vanoda kudzidziswa Shoko renyu.

    Kuparidza nekudzidzisa ndookubudirira.

    (SUMO YEKORASI)

    Nd’chikukudzai Jehovha, kutenda kwangu kwokura.

    Ini ndakazvitsaurira; nd’chafamba nemi.

    (KORASI)

    Baba vekudenga, ndokurumbidzai.

    Nenzira zhinji, nd’chakushumirai.

    Ndakagadzirira, chinditumai.

    Jehovha, ndokudai;

    zvese ndinokupai.

  2. 2. Nemweya wese ndichashanda nd’chida hama.

    Kuzvipira kuita pang’, ndoozviri pamwoyo.

    Ndinofara nd’chipa kupfuura pandinopiwa,

    Pandinenge nd’chibatsira vanoda kubatsirwa.

    (SUMO YEKORASI)

    Nd’chikukudzai Jehovha, kutenda kwangu kwokura.

    Ini ndakazvitsaurira; nd’chafamba nemi.

    (KORASI)

    Baba vekudenga, ndokurumbidzai.

    Nenzira zhinji, nd’chakushumirai.

    Ndakagadzirira, chinditumai.

    Jehovha, ndokudai, zvese ndinokupai.

    (KORASI)

    Baba vekudenga, ndokurumbidzai.

    Nenzira zhinji, nd’chakushumirai.

    Ndakagadzirira, chinditumai.

    Jehovha, ndokudai; zvese ndichakupai.