Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Ndinochengeta Zviyeuchidzo Zvenyu

Ndinochengeta Zviyeuchidzo Zvenyu
ONA
Mashoko

Dhaunirodha:

  1. 1. Ndodiniko ini? Ndibvunze aniko?

    Pamw’ hazvimbok’vadzi, hazvimboshoreka.

    Pamw’ hazvisi zviya zvandingatoramba.

    Nhai, ndiite seiko ini? Ndiite zvipi?

    Ndodiniko ini? Ndifunge zvipiko?

    Zvinhu zvingangondiipira ikoko,

    Misungo ingangoguma yandibata.

    Nhai, ndiite seiko ini? Jehovha, ndibatsirei.

    (KORASI)

    Zviyeuchidzo zvenyu nd’nozvidisisa.

    Ndozvandinokoshesa zuva nezuva.

    Zviri muShoko renyu ndibatsirei ndizvinzwisise.

  2. 2. Ndaziva zvekuita: Regai nditsvak’rudze.

    Handimbodi kuti vamwe vagumbuke,

    Asi ini zvingangozondiipira.

    Ndak’ziva zvandichaita​—handimborasiki.

    (KORASI)

    Zviyeuchidzo zvenyu nd’nozvidisisa.

    Zv’nondisimbisa ndobva ndanyatsoona

    Zviri muShoko renyu ndibatsirei ndizvinzwisise.

    (KORASI)

    Zviyeuchidzo zvenyu nd’nozvidisisa.

    Zv’nondisimbisa ndobva ndanyatsoona

    Pandinoverenga ndinovhenekerwa.

    Munomira neni, ndinovimba nemi.

    Zviri muShoko renyu, ndibatsirei ndizvinzwisise.