Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Nharireyomurindi  |  November 2015

 NYAYA IRI PAKAVHA | MWARI ANOONA SEI HONDO?

Mwari Aiona Sei Hondo Jesu Paaiva Panyika?

Mwari Aiona Sei Hondo Jesu Paaiva Panyika?

VaJudha vemunguva yakararama Jesu panyika vaidzvinyirirwa chaizvo. Sezvakamboitwa nemadzitateguru avo, zviri pachena kuti vakanyengeterawo kuna Mwari kakawanda vachikumbira kuti avanunure. Vaida kununurwa pakudzvinyirirwa kwavaiitwa neUmambo hweRoma. Vakazonzwa nezvaJesu. Kuti ndiye here aizova Mesiya wavainge vakamirira? Hazvishamisi kuti vakawanda ‘vaitarisira kuti munhu uyu ndiye aifanira kununura vaIsraeri’ kubva muudzvinyiriri hwevaRoma. (Ruka 24:21) Asi haana kuvanunura. Mauto eRoma akatoparadza Jerusarema netemberi yaro muna 70 C.E. (makore anenge 1 950 apfuura).

Chii chakaita kuti zvidaro? Sei Mwari asina kurwira vaJudha sezvaakamboita kare? Sei asina kuvapa mvumo yekuti varwire rusununguko? Maonero aiita Mwari hondo anga achinja here? Kwete. Asi pane chinhu chakanga chachinja zvikuru kuvaJudha. Vakanga varamba kuti Jesu, Mwanakomana waMwari ndiye aiva Mesiya. (Mabasa 2:36) Saka rudzi rwacho rwose rwakarasikirwa nechinhu chinokosha, ushamwari hwavo naMwari.—Mateu 23:37, 38.

Mwari akanga asisadzivirire vaJudha neNyika Yakapikirwa, uye ainge asisavatsigire pahondo dzose dzavaizorwa. Sezvakagara zvataurwa naJesu, Mwari akanga aramba rudzi rwevaIsraeri, ndokutanga kutsigira rudzi rutsva, urwo rwakazonyorwa muBhaibheri ruchinzi “Israeri waMwari.” (VaGaratiya 6:16; Mateu 21:43) Ungano yevaKristu vakazodzwa nemudzimu mutsvene ndiyo yakazova Israeri waMwari. VaKristu vekutanga vakaudzwa zvakajeka kuti: “Zvino mava rudzi rwaMwari.”—1 Petro 2:9, 10.

Sezvo vaKristu vekutanga vakanga vava “rudzi rwaMwari,” iye akavarwira here kuti vasunungurwe kubva pakudzvinyirirwa nevaRoma? Akavabvumira kuti varwisane nevadzvinyiriri vavo here? Kwete. Sei asina? Sezvataurwa munyaya yapfuura, Mwari paanobvumira vanhu kurwa hondo, ndiye anosarudza kuti hondo yacho icharwiwa riini? Mwari haana kutanga hondo kuti abatsire vaKristu vekutanga, uye haana kuvabvumira kuti vapindire muhondo dzaiitika. Zviri pachena kuti iyi yakanga isiri nguva yaMwari yekubvisa vanhu vakaipa uye yekupedza udzvinyiriri.

Kungofanana nezvakaitwa nevashumiri vaMwari vekare, vaKristu ivavo vaifanira kumirira nguva yaMwari yekupedza udzvinyiriri uye yekubvisa vanhu vakaipa. Panguva iyoyo Mwari haana kuvapa kodzero yekuti varwisane nevavengi vavo. Izvi zvakaratidzwawo naJesu pane zvaaidzidzisa. Somuenzaniso, haana kuudza vateveri vake kuti vaite zvehondo asi akavati: “Rambai muchida vavengi venyu uye muchinyengeterera vaya vanokutambudzai.” (Mateu 5:44) Paaitaura nezvekurwiswa kwaizoitwa Jerusarema nemasoja eRoma, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vaisafanira kuramba vari muguta iroro kuti varwe nevavengi vavo, asi vaifanira kutiza uye izvozvo ndizvo zvavakaita.—Ruka 21:20, 21.

Uyewo, muapostora Pauro akafemerwa naMwari kunyora kuti: “Musatsiva, . . . nokuti zvakanyorwa kuti: ‘Kutsiva ndokwangu; ndichatsividza,’ anodaro Jehovha.” (VaRoma 12:19) Pauro akanga achidzokorora mashoko akataurwa naMwari mazana emakore ainge apfuura, ayo akanyorwa  pana Revhitiko 19:18 uye pana Dheuteronomio 32:35. Sezvataona munyaya yapfuura imwe nzira yaishandiswa naMwari pakutsiva zvainge zvaitirwa vanhu vake vekare ndeyekuvabatsira pakurwisana nevavengi vavo. Saka Pauro akaratidza kuti maonero aiita Mwari hondo akanga asina kuchinja. Munguva yevaKristu vekutanga, Mwari ainge achiri kuona hondo senzira yakakodzera yekutsiva zvakaipa zvinenge zvaitirwa vanhu vake, yekupedza nayo udzvinyiriri uye yekubvisa vanhu vakaipa. Zvisinei, sezvaanga agara achiita, Mwari pachake ndiye aisarudza kuti hondo yacho yaizorwiwa riini uye kuti ndiani aizorwa.

Zviri pachena kuti Mwari haana kupa vaKristu vekutanga mvumo yekurwa hondo. Ko mazuva ano? Pane here vanhu vakapiwa mvumo naMwari kuti varwe hondo? Unofunga kuti nguva yekuti Mwari arwire vashumiri vake yasvika here? Ko iye Mwari anoona sei hondo mazuva ano? Nyaya inotevera ichapindura mibvunzo iyi.