Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Nharireyomurindi  |  February 2011

 Mazano Okuti Mhuri Ifare

Dzidzisai Vana Venyu Kuzvibata

Dzidzisai Vana Venyu Kuzvibata

Vamwe amai vokuMexico vanonzi Loida, * vanoti: “Vana vachiri kuyaruka vari kupiwa makondomu kuchikoro, saka vava kufunga kuti hapana chakaipa nokuenda pabonde kana vakazvidzivirira.”

Vamwe amai vokuJapan vanonzi Nobuko vanoti: “Ndakabvunza mwanakomana wangu kuti kana akawana mukana wokuva oga nomusikana wake aizoitei. Akandipindura achiti, ‘Handizivi.’”

MWANA wenyu paaiva achiri kukambaira, maimudzivirira sei panjodzi dzepamba? Zvichida maingwarira kuti asabata tambo dzemagetsi, maiviga zvinhu zvinobaya, uye maivhara masitepisi muchiitira kuti asapinda munjodzi.

Kudzivirira mwana wenyu hakusi nyore, kuzoti ava kuyaruka, ibasa chairo. Iye zvino mava kunyanya kunetseka nokufunga kuti: ‘Kuti mwanakomana wangu angadaro ari kuona zvinonyadzisira?’ ‘Mwanasikana wangu ari kutumira mashoko ezvepabonde paserura, pamwe achitotumira mifananidzo yake inonyadzisira here?’ Uye mubvunzo unorovesa hana ndewokuti, ‘Kuti mwana wangu angadaro ari kuita zvepabonde?’

Kuvafudza Hakuna Zvakunobatsira

Vamwe vabereki vanoedza kuita semapurisa evana vavo vari kuyaruka nokungogara vakavasona uye vachiongorora zvose zvavanoita. Vabereki vakawanda vakazoona kuti kuvafudza saizvozvo kunoita kuti vana vaite zvinhu vachivanza. Vamwe vana vakatova shasha pakuvanza zvaida kurambidzwa nevabereki vavo.

Zviri pachena kuti kufudza mwana hakusiko kugadzirisa dambudziko. Jehovha Mwari haashandisi nzira iyoyo kuti zvisikwa zvake zvimuteerere, saka imiwo somubereki musadaro. (Dheuteronomio 30:19) Saka mungabatsira sei vana venyu vari kuyaruka kuti vazvibate zvakanaka?—Zvirevo 27:11.

Zvinokosha kugara muchikurukura nevana venyu uye kuzvitanga vachiri vaduku. * (Zvirevo 22:6) Kunyange pavanoyaruka, rambai muchikurukura navo. Somubereki ndiwe unofanira kuita kuti mwana wako anyatsoona kuti iwe unotaura chokwadi nezvenyaya idzi kupfuura vamwe vanhu vose. Mumwe musikana wokuBritain anonzi  Alicia akati: “Vanhu vakawanda vanofunga kuti tingasva hedu tataura neshamwari dzedu nezvebonde, asi idzodzo inhema. Mashoko aya tinoakoshesa kana achibva kuvabereki vedu. Tinovimba nezvavanotiudza.”

Zvinokosha Kuti Vave Netsika Dzakanaka

Vana pavanenge vachiyaruka, vanofanira kuziva zvakawanda nezvebonde kupfuura kungoziva kuti ndiro rinoita kuti paberekwe vana. Vanofanirawo kuita kuti “simba ravo rokunzwisisa rirovedzwe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.” (VaHebheru 5:14) Muchidimbu, vanofanira kudzidziswa tsika dzine chokuita nezvebonde uyewo kurarama zvinoenderana nezvavanodzidziswa. Mungadzidzisa sei mwana wenyu tsika dzakanaka?

Tangai nokuongorora kuti tsika dzenyu dzakadini. Somuenzaniso, mungava muchinyatsobvuma kuti ufeve, kureva bonde rinoitwa nevanhu vasina kuroorana, chinhu chakaipa. (1 VaTesaronika 4:3) Vana venyu vangadaro vachiziva mafungiro enyu nezvenyaya iyi; vangadaro vachitoziva nomusoro ndima dzeBhaibheri dzinotsigira izvozvo. Kana vakabvunzwa, vanobva vangotaura kuti hazvina kunaka kurara nomunhu wausina kuroorana naye.

Asi hazvingogumiri ipapo. Bhuku rinonzi Sex Smart rinoti vamwe vechiduku vangangobvuma zvechipameso zvinenge zvichitaurwa nevabereki vavo nezvekuenda pabonde. Rinoti: “Havana chokwadi nezvemaonero avanofanira kuita nyaya yacho. Panoitika zvimwe zvinhu vasingafungiri, votadza kuziva kuti votora gwara ripi, vanobva vavhiringidzika uye zvinhu zvinobva zvavaomera.” Ndokusaka zvichikosha kudzidzisa mwana tsika dzakanaka. Mungabatsira sei mwana wenyu kuti ave netsika dzakanaka?

Nyatsojekesai tsika dzamunoda.

Munobvuma here kuti bonde rinofanira kungoitwa nevanhu vakaroorana? Kana muchizvibvuma garai muchiudza vana venyu zvakajeka. Rimwe bhuku rinonzi Beyond the Big Talk rakati kutsvakurudza kwakaitwa kunoratidza kuti “mudzimba dzine vabereki vakanyatsotsanangurira vana vavo vari kuyaruka kuti havadi kuti vaite zvebonde, vana ava havawanzozvimhanyirira.”

Sezvambotaurwa pakutanga, ichokwadi kuti kungoudza vana venyu zvamunoda kuti vaite hakurevi kuti vachazvitevedzera. Zvisinei, kunyatsotsanangura zvamunoda kuti mhuri yenyu iite kuchaita kuti vazowana pokutangira pavanenge vava kutangawo dzimba dzavo. Ongororo dzakaitwa dzinoratidza kuti vechiduku vakawanda vanoita sokuti havadi kuteerera zvinotaurwa nevabereki vavo asi pavanokura vanopedzisira vava kuita zvavakadzidziswa nevabereki vavo.

EDZA IZVI: Taurai nezveimwe nyaya yakataurwa munhau kuti muwane pokutangira kukurukurirana uye kumuudza tsika dzamunoda. Somuenzaniso, kana munhau makataurwa nezvemhosva dzepabonde, munogona kutanga muchiti: “Ndiri kushatiriswa nezvinoitirwa vamwe vakadzi nevarume. Unofunga kuti chii chinoita kuti vadaro?”

Dzidzisai chokwadi chose nezvebonde.

Kuvanyevera kunodiwa. (1 VaKorinde 6:18; Jakobho 1:14, 15) Asi Bhaibheri rinoti bonde chipo chinobva kuna Mwari, kwete kuti musungo waSatani. (Zvirevo 5:18, 19; Rwiyo rwaSoromoni 1:2) Kungogumira pakuudza vana venyu vari kuyaruka nezvezvakaipira bonde kunoita kuti varione serakashata, zvinova zvisiri izvo zvinotaurwa nemagwaro. Corrina, mumwe musikana wechiduku anogara kuFrance anoti, “Vabereki vangu vainyanya kusimbisa nezveunzenza uye izvozvo zvakaita kuti ndione bonde serakashata.”

Ivai nechokwadi chokuti vana venyu vaziva chokwadi nezvebonde. Nadia, vamwe amai vokuMexico vanoti, “Chinhu chandagara ndichiedza kuudza vana vangu ndechokuti bonde rakanaka uye kuti Jehovha Mwari akaripa vanhu kuti vanakidzwe naro. Asi rinofanira kungoitwa nevakaroorana. Rinogona kuita kuti tifare kana kuti titambudzike, zvichingoenderana nechinangwa chatariitira.”

EDZA IZVI: Panguva inotevera yamuchakurukura nemwana wenyu nezvebonde, regai kungogumira pakuti bonde rakashata. Musatya kuudza mwana wenyu kuti bonde chipo chinobva kuna Mwari uye kuti iye anogona kuzonakidzwa naro kana aroora kana kuroorwa. Muratidzei kuti mune chivimbo chokuti acharamba achiteerera mutemo waMwari kusvikira nguva yacho yakwana.

 Batsirai mwana wenyu kuti azive zvingaguma zvaitika.

Kuti vari kuyaruka vaite zvisarudzo zvakanaka pane zvose zvavanoita muupenyu, vanofanira kuziva zvavanogona kuita uye zvazvakanakira nezvazvakaipira. Musafunga kuti kana vakangoziva kuti izvi ndizvo zvakanaka kana kuti zvakaipa zvinenge zvakatokwana. Mumwe mukadzi wechiKristu wokuAustralia anonzi Emma anoti, “Ndichifunga nezvezvikanganiso zvandakaita ndichiri muduku ndinoti kungoziva zvinodiwa naMwari hakurevi kuti unobvumirana nazvo. Kunzwisisa zvakanakira zvinodiwa naMwari uye zvinoguma zvaitika kana ukasazvitevedzera kunokosha.”

Bhaibheri rinogona kubatsira panyaya iyi, nokuti mirayiro yaro yakawanda ine mashoko mazhinji anoratidza zvakaipira kuita zvakaipa. Somuenzaniso, Zvirevo 5:8, 9 inokurudzira majaya kuti atize ufeve ichiti, ‘kuitira kuti arege kupa vamwe kukudzwa kwavo.’ Ndima idzi dzinoratidza kuti vaya vanoita zvebonde vasati varoorana vanozvibvisa unhu, votadza kuva vakaperera kuna Mwari, zvoitawo kuti vasazviremekedza. Uye izvozvo zvinoita kuti mumwe ane unhu hwakanaka anga achazovada asanzwa achivada. Vechiduku vanogona kusimbisa chido chavo chokuteerera mitemo yaMwari kana vakafungisisa kukanganisika kungaita utano hwavo uye ukama hwavo naMwari kana vakasateerera mitemo iyi. *

EDZA IZVI: Shandisai mienzaniso kuti mubatsire mwana wenyu kuti anzwisise chakanakira mitemo yaMwari. Somuenzaniso, mungati: “Moto watinoshandisa kubika sadza wakanaka; asi ukazenge wopisa sango unenge waipa. Moto iyi yakasiyanei, uye unofunga kuti muenzaniso uyu unoshanda sei panyaya yemiganhu yakaiswa naMwari panyaya yebonde?” Shandisai nhoroondo iri pana Zvirevo 5:3-14 kuti mubatsire mwana wenyu kunzwisisa zvakaipira ufeve.

Takao, wokuJapan achiri kuyaruka uye ane makore 18 anoti: “Ndinozviziva kuti ndinofanira kuita zvakanaka, asi ndinongogara ndichirwisana nezvido zvenyama yangu.” Pwere dzinosangana nedambudziko iri dzinogona kunyaradzwa nokuziva kuti hadzisi idzo dzoga. Kunyange muapostora Pauro, aiva muKristu akasimba, akabvuma kuti: “Pandinoda kuita zvakarurama, zvakaipa zviri mandiri.”—VaRoma 7:21.

Zvakanaka kuti vari kuyaruka vazive kuti kugara vachirwisana nezvido zvenyama yavo hakuna kuipa. Kunogona kutoita kuti vafungisise kuti vanoda kuva munhu akaita sei. Zvinogonawo kuvabatsira kunzwisisa mubvunzo wokuti, ‘Ndinoda kuita zvakanaka ndozivikanwa somunhu ane unhu uye akazvipira here, kana kuti somunhu anoda kungoita gundamusaira, anongoita zvido zvenyama yake?’ Kuva netsika dzakanaka kuchabatsira mwana wenyu kuti apindure mubvunzo iwoyo nokuchenjera.

^ ndima 3 Mamwe mazita ari munyaya ino akachinjwa.

^ ndima 10 Kuti muwane mazano okuti mungatanga sei kukurukura nevana venyu nyaya dzebonde uye kuti mungavaudzei zvinoenderana nezera ravo, onai Nharireyomurindi yaNovember 1, 2010, mapeji 12-14.

^ ndima 22 Kuti uwane mamwe mashoko, ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Kuita Zvepabonde Kuchaita Kuti Tinyanye Kudanana Here?” iri muMukai! yaJuly-September 2010, yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

ZVIBVUNZE KUTI . . .

  • Chii chinondiratidza kuti mwana wangu ane tsika dzakanaka?

  • Pandinenge ndichitaura nemwana wangu nezvebonde, ndinonyanyotaura kuti bonde chipo chakabva kuna Mwari here kana kuti musungo waSatani?