Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

NHARIREYOMURINDI (YOKUDZIDZA) JULY 2015

“Kununurwa Kwenyu Kuri Kuswedera Pedyo”!

“Kununurwa Kwenyu Kuri Kuswedera Pedyo”!

“Mirai muti twasu, musimudze misoro yenyu, nokuti kununurwa kwenyu kuri kuswedera pedyo.”—RUKA 21:28.

NZIYO: 133, 43

1. Chii chakaitika muna 66 C.E.? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

FUNGIDZIRA uchigara muJerusarema mugore ra66 C.E. Une zvakawanda zvawaona zvichiitika. Mukuru mukuru weRoma, Florus, atora nechisimba matarenda 17 papfuma inokosha yetemberi. Izvi zvinoshatirisa vaJudha zvokuti vanotanga kuuraya mauto eRoma ari muJerusarema, uye vanoti havachadi kutongwa neRoma. Asi Roma hairambi yakanyarara. Mwedzi mitatu isati yapera, masoja eRoma 30 000 anodzoka achitungamirirwa nagavhuna weRoma anotonga Siriya anonzi Cestius Gallus. Masoja acho anobva apinda muJerusarema, uye vapanduki vechiJudha vanotiza vohwanda mutemberi. Zvadaro, masoja eRoma anotanga kuchera rusvingo rwetemberi. Guta rose rinotanga kutya. Unonzwa sei pauri kuona zvose izvi zvichiitika?

2. VaKristu vaifanira kuitei mugore ra66 C.E., uye chii chakaita kuti vakwanise kuita izvozvo?

2 Zvimwe wabva wayeuka mashoko aJesu ari muEvhangeri yaRuka okuti: “Pamunoona Jerusarema rakombwa nemauto akadzika  misasa, panguva iyoyo zivai kuti rava kuda kuitwa dongo.” (Ruka 21:20) Jerusarema rakakombwa nemasoja akawanda, saka wava kunetseka kuti uchateerera sei zvakataurwa naJesu paakati: “Panguva iyoyo vari muJudhiya ngavatange kutizira kumakomo, nevaya vari mukati maro ngavabude, uye vaya vari kumaruwa ngavarege kupinda mariri.” (Ruka 21:21) Asi panobva pangoitika chimwe chinhu chinoshamisa. Masoja eRoma ava kutanga kubuda achienda. Mazuva ekurwisa kwevaRoma ari “kutapudzwa” sezvakanga zvataurwa. (Mat. 24:22) Iye zvino wava kukwanisa kuteerera zvakataurwa naJesu. Unobva watizira kumakomo ari mhiri kweRwizi rwaJodhani nevamwe vaKristu vakatendeka vari muguta nemunzvimbo dzakapoteredza. * Muna 70 C.E., rimwe uto reRoma rinobva rauya muJerusarema roparadza guta racho. Asi iwe wapona nokuti wakateerera zvakataurwa naJesu.

3. Munguva pfupi iri kuuya, vaKristu vachasangana nemamiriro ezvinhu akaita sei, uye tichakurukurei munyaya ino?

3 Munguva pfupi pfupi iri kuuya, mumwe nemumwe wedu achasangana nemamiriro ezvinhu akafanana neaya. Jesu haana kungonyevera vaKristu nezvekuparadzwa kweJerusarema, asi akaratidzawo kuti zvakaitika panguva iyoyo zvakafanana nezvichaitika pachatanga “kutambudzika kukuru.” (Mat. 24:3, 21, 29) Chinofadza ndechokuti “boka guru” revanhu richapona pachaitika dambudziko iri munyika yose. (Verenga Zvakazarurwa 7:9, 13, 14.) Zvinokosha chaizvo kuti tizive zvinotaurwa neBhaibheri nezvezvinhu izvi. Tinofanira kuzviziva nokuti zvine chokuita nokuponeswa kwedu. Ngatikurukurei zvinhu izvi zvichaitika munguva yemberi.

MATANGIRO ACHAITA KUTAMBUDZIKA KUKURU

4. Kutambudzika kukuru kuchatanga sei uye chii chichaita kuti izvozvo zviitike?

4 Kutambudzika kukuru kuchatanga sei? Bhuku raZvakazarurwa rinotaura kuti kuchatanga nokuparadzwa kuchaitwa “Bhabhironi Guru.” (Zvak. 17:5-7) Zvakakodzera chaizvo kuti zvitendero zvose zvenhema zvifananidzwe nehure! Vafundisi vakaita ufeve nevatungamiriri venyika ino yakaipa. Pane kuti vatsigire Jesu neUmambo hwake, vari kutotsigira hurumende dzevanhu uye vanorega kutevedzera mirayiro yaMwari kuti vave nezvinzvimbo mune zvematongerwo enyika. Zvavanoita zvakasiyana chaizvo nezvinoitwa nevakazodzwa avo vakachena uye vakaita semhandara. (2 VaK. 11:2; Jak. 1:27; Zvak. 14:4) Asi ndiani achaparadza Bhabhironi Guru? Jehovha Mwari achaisa “kufunga kwake” mumwoyo ‘yenyanga gumi dzechikara chitsvuku.’ Nyanga idzi dzinomirira hurumende dzose dziri kutsigira Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose, iro rinofananidzwa ‘nechikara chitsvuku.’—Verenga Zvakazarurwa 17:3, 16-18.

5, 6. Tinoziva sei kuti kuparadzwa kuchaitwa Bhabhironi Guru hakurevi kuti vanhu vose varimo vachabva vafawo?

5 Saka tingati here kuparadzwa kuchaitwa zvitendero zviri muBhabhironi Guru ndikowo kufa kuchaita vanhu vose vari muzvitendero izvozvo? Zvingasareva hazvo kudaro. Jehovha akafemera muprofita Zekariya kuti anyore zvichaitika panguva iyoyo. Nhoroondo yacho inotaura nezvemumwe munhu aimbova muchitendero chenhema ichiti: “Iye achati, ‘Handisi muprofita. Ndiri munhu anorima ivhu, nokuti munhu wepanyika akanditenga ndichiri muduku.’ Mumwe achati kwaari, ‘Ko maronda aya ari pauri pakati pemaoko ako ndeei?’ Iye  achati, ‘Ndeaya andakarohwa ndiri muimba yevanondida kwazvo.’” (Zek. 13:4-6) Saka zvinoita sokuti vamwe vafundisi vachasiya zvitendero zvavo uye vacharamba kuti vaimbova nhengo dzezvitendero izvozvo zvenhema.

6 Zvinhu zvichange zvakamira sei kuvanhu vaMwari panguva iyoyo? Jesu akati: “Chokwadi, kudai mazuva iwayo asina kutapudzwa, hapana munhu aizoponeswa; asi mazuva iwayo achatapudzwa nokuda kwevakasarudzwa.” (Mat. 24:22) Sezvatakurukura, mugore ra66 C.E. mazuva okutambudzika muJerusarema ‘akatapudzwa.’ Izvozvo zvakapa mukana wokuti vaya ‘vakasarudzwa,’ ivo vaKristu vakazodzwa, vatize muguta racho nenzvimbo dzakapoteredza. Izvi zvichaitikawo munguva yemberi. Chikamu chokutanga chokutambudzika kukuru ‘chichatapudzwa nokuda kwevakasarudzwa.’ Hurumende dzinomirirwa ‘nenyanga gumi’ hadzizobvumirwi kutsakatisa vanhu vaMwari. Saka zvinhu zvichamboti dzikamei.

NGUVA YOKUEDZWA NEYOKUTONGWA

7, 8. Pashure pokunge masangano echitendero chenhema aparadzwa, pachava nemukana wei uye vanhu vaMwari vacharatidza sei kuti vakasiyana nevamwe vose?

7 Chii chichaitika kana masangano echitendero chenhema aparadzwa? Ichava nguva yokuti tinyatsoratidza zvatiri chaizvo. Vakawanda vachatsvaka kudzivirirwa nemasangano evanhu ayo anofananidzwa ‘nematombo makuru omumakomo.’ (Zvak. 6:15-17) Asi vanhu vaMwari vachatizira kuna Jehovha kuti vadzivirirwe. Masoja eRoma paakambobuda muJerusarema, yakanga isiri nguva yokuti vaJudha vakawanda vachitendeuka kuva vaKristu. Yaiva nguva yokuti vaya vakanga vatova vaKristu vabude muJerusarema sezvavakanga vaudzwa. Saka hatingatarisiriwo kuti kutapudzwa kuchaitwa mazuva okutambudzika kukuru kuchaguma nokutendeuka kwevanhu vakawanda. Iyi ichava nguva yokuti vaKristu vose vechokwadi varatidze kuti vanoda Jehovha uye vatsigire hama dzaKristu.—Mat. 25:34-40.

8 Hatinyatsozivi zvose zvichaitika panguva iyi yomuedzo, asi upenyu hunofanira kunge huchange hwakaoma uye zvichatoda kuti tizvipire. VaKristu vaiva muJerusarema vaifanira kusiya zvinhu zvavo uye vaifanira kutsungirira mamiriro ezvinhu akaoma kuti vapone. (Mako 13:15-18) Tichabvuma here kurasikirwa nepfuma yedu kuitira kuti tirambe takatendeka? Tichange takagadzirira here kuita zvose zvichatibatsira kuti tirambe takavimbika kuna Jehovha? Pafunge! Panguva iyoyo, ndisu chete ticharamba tichinamata Mwari pasinei nokuoma kwezvinhu, sezvakangoitawo muprofita Dhanieri.—Dhan. 6:10, 11.

9, 10. (a) Vanhu vaMwari vachazivisa mashoko okuti chii panguva yokutambudzika kukuru? (b) Vavengi vevanhu vaMwari vachabva vaita sei?

9 Iyi ichange isisiri nguva yokuparidza “mashoko akanaka oumambo.” Nguva yokuita izvozvo inenge yatopfuura. “Kuguma” kunenge kwava kusvika! (Mat. 24:14) Vanhu vaMwari vachange vava kuzivisa mashoko anorwadza ekuparadzwa kwevanhu. Izvi zvinogona kusanganisira kuzivisa mashoko okuti nyika yakaipa yaSatani yava kuda kuguma. Bhaibheri rinofananidza mashoko iwayo nechimvuramabwe parinoti: “Chimvuramabwe chikuru chine matombo, rimwe nerimwe riine uremu hunenge hwetarenda chakawira vanhu chichibva kudenga, uye vanhu vakamhura Mwari nokuda kwedambudziko rechimvuramabwe, nokuti dambudziko racho rakanga rakakura kwazvo.”—Zvak. 16:21.

10 Vavengi vedu vachanzwa mashoko iwayo. Jehovha Mwari akafemera muprofita  Ezekieri kunyora zvichaitwa naGogi weMagogi, iwo mubatanidzwa wenyika dzakasiyana-siyana, achiti: “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Zvino pazuva iroro pfungwa dzichauya mumwoyo mako, uye uchafunga zano rinokuvadza; uye uchati: “Ndichakwira kunorwisana nenyika yokumaruwa. Ndichasvika kune vaya vasina chinovanetsa, vanogara vakachengeteka, vose zvavo vanogara vasina rusvingo, uye havana kana muzariro nemasuo.” Uchazviita kuti uwane zvinopambwa zvizhinji uye kuti upambe kwazvo, kuti ruoko rwako rudzoswe panzvimbo dzakaparadzwa dzava kugarwazve neparudzi rwakaunganidzwa ruchibva kune mamwe marudzi, ruya ruri kuunganidza pfuma nezvinhu, rwevaya vari kugara pakati penyika.’” (Ezek. 38:10-12) Vanhu vaMwari vachange vakasiyana nevanhu vose, zvichiita sokuti “vari kugara pakati penyika.” Izvi zvichaita kuti Gogi ashatirwe chaizvo. Anenge ava kuda kurwisa vaKristu vakazodzwa pamwe neshamwari dzavo.

11. (a) Tinofanira kuzivei nezvemaitikiro achaita zvinhu panguva yekutambudzika kukuru? (b) Vanhu vachaita sei pavachaona zviratidzo kudenga?

11 Chii chichabva chaitika? Bhaibheri haritauri kuti zviitiko izvi zvichange zvichitevedzana sei, asi kunenge kuti zvimwe zvacho zvichatanga kuitika zvimwe zvacho zvichiri kuitika. Jesu akaprofita nezvokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino achiti: “Kuchava nezviratidzo pazuva nepamwedzi nepanyeredzi, uye kurwadziwa kwazvo kwemarudzi panyika, asingazivi nzira yokubuda nayo nokuda kwokutinhira kwegungwa nokusagadzikana kwaro, vanhu vachipera simba nokutya uye nokutarisira zvinhu zvinouya pamusoro penyika inogarwa; nokuti masimba okudenga achazununguswa. Panguva iyoyo vachaona Mwanakomana womunhu achiuya ari mugore aine simba nokubwinya kukuru.” (Ruka 21:25-27; verenga Mako 13:24-26.) Kuzadziswa kwouprofita ihwohwo kucharevawo here kuti mudenga ratinoona nemaziso muchava nezviratidzo uye zvinhu zvinotyisa? Tinofanira kumirira, toona kuti zvichafamba sei. Asi chatinoziva ndechokuti vavengi vaMwari vachavhunduka chaizvo pavachaona zviratidzo izvi.

Tichange tisina chokutya nekuti tinenge tichiziva kuti tichapona! (Ona ndima 12, 13)

12, 13. (a) Chii chichaitika Jesu paachauya “aine simba nokubwinya kukuru”? (b) Vashumiri vaMwari vachaita sei panguva iyoyo?

12 Chii chichaitika Jesu paachauya “aine simba nokubwinya kukuru”? Achapa mubayiro kune vakatendeka uye acharanga vaya vanenge vasina kutendeka. (Mat. 24:46, 47, 50, 51; 25:19, 28-30) Munhoroondo iri muna Mateu, Jesu akataura mufananidzo wemakwai nembudzi paaipedzisa kutaura nezvechiratidzo chokuvapo kwake nechokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino. Akati: “Mwanakomana womunhu paanosvika achibwinya, aine ngirozi dzose, achabva agara pachigaro chake choumambo chinobwinya. Zvino marudzi ose achaunganidzwa pamberi pake, uye achaparadzanisa vanhu mumwe achibva kune mumwe, sokuparadzanisa kunoita mufudzi makwai nembudzi. Zvino achaisa makwai kuruoko rwake rworudyi, asi mbudzi kuruboshwe rwake.” (Mat. 25:31-33) Makwai nembudzi zvichatongwa sei? Jesu akapedzisa mufananidzo uyu achiti: “Zvino ava [mbudzi] vachaenda mukugurwa kusingaperi, asi vakarurama muupenyu husingaperi.”—Mat. 25:46.

13 Vanhu vanofananidzwa nembudzi vachaita sei pavachaziva kuti ‘vachagurwa nekusingaperi’? ‘Vachazvirova vachichema.’ (Mat. 24:30) Asi hama dzaKristu pamwe neshamwari dzavo dzakatendeka vachaita sei panguva iyoyo? Vaine kutenda kwakasimba muna Jehovha neMwanakomana wake Jesu Kristu, vachateerera murayiro waJesu wokuti: “Panotanga kuitika zvinhu izvi, mirai  muti twasu, musimudze misoro yenyu, nokuti kununurwa kwenyu kuri kuswedera pedyo.” (Ruka 21:28) Chokwadi tichange tisina chokutya nekuti tinenge tichiziva kuti tichapona.

KUPENYA ZVAKAJEKA MUUMAMBO

14, 15. Kuunganidzwa kupi kuchaitika, Gogi weMagogi paachatanga kurwisa vanhu vaMwari, uye kunosanganisirei?

14 Chii chichaitika Gogi weMagogi paachatanga kurwisa vanhu vaMwari? Evhangeri yaMateu neyaMako dzinotaura zvichaitika dzichiti: “[Mwanakomana womunhu] achatuma ngirozi uye dzichaunganidza vakasarudzwa vake vachibva kumhepo ina, kubvira kumugumo wenyika kusvikira kumugumo wedenga.” (Mako 13:27; Mat. 24:31) Kuunganidzwa uku handiko kuya kunoitika panotanga kusarudzwa vaKristu vakazodzwa uyewo hakurevi kuiswa chisimbiso chokupedzisira kunoitwa vakazodzwa vanenge vachiri panyika. (Mat. 13:37, 38) Chisimbiso ichi chinenge chatoiswa kutambudzika kukuru kusati kwatanga. (Zvak. 7:1-4) Saka kuunganidzwa kupi kwaitaurwa naJesu? Iyi ichange iri nguva yokuti vakazodzwa vanenge vachiri panyika vapiwe mubayiro wavo wokudenga. (1 VaT. 4:15-17; Zvak. 14:1) Izvi zvichaitika pane imwe nguva pashure pokunge Gogi weMagogi atanga kurwisa vanhu vaMwari. (Ezek. 38:11) Zvadaro, mashoko aJesu achazadziswa okuti: “Panguva iyoyo vakarurama vachapenya zvakajeka sezuva muumambo hwaBaba vavo.”Mat. 13:43. *

15 Vanhu vakawanda vari mumachechi anozviti ndeechiKristu vanodavira kuti vaKristu vachaenda kudenga vaine miviri yavo yenyama. Vanofungawo kuti vachatoona Jesu achiuya kuzotonga nyika. Asi Bhaibheri rinonyatsoratidza kuti kudzoka kwaJesu  hakuoneki parinoti: “Chiratidzo choMwanakomana womunhu chichaoneka kudenga” uye kuti Jesu achauya “ari pamakore okudenga.” (Mat. 24:30) Bhaibheri rinotaurawo kuti “nyama neropa hazvingagari nhaka youmambo hwaMwari.” Saka vaya vachaenda kudenga vachatanga ‘vachinjwa munguva dukuduku, mukubwaira kweziso, mukurira kwebhosvo rokupedzisira.’ * (Verenga 1 VaKorinde 15:50-53.) Saka vakazodzwa vakatendeka vachange vari panyika, vachaunganidzwa vose munguva pfupi pfupi.

16, 17. Chii chinofanira kutanga chaitika muchato weGwayana usati waitwa kudenga?

16 Vane 144 000 vose pavanenge vava kudenga, muchato weGwayana uchapedzisa kugadzirirwa. (Zvak. 19:9) Asi pane chimwe chinhu chichaitika muchato iwoyo unofadza usati watanga. Yeuka kuti vakazodzwa vanenge vachiri panyika pavanenge vasarirwa nenguva pfupi kuti vaende kudenga, Gogi acharwisa vanhu vaMwari. (Ezek. 38:16) Izvi zvichaguma nei? Kana pari panyika, vanhu vaMwari vachaita sokuti havana anovadzivirira. Vachateerera mirayiridzo yakapiwa vanhu mumazuva aMambo Jehoshafati yokuti: “Hamuzofaniri henyu kurwa. Mirai munzvimbo dzenyu, murambe makamira, muone kuponeswa kwamuchaitwa naJehovha. Haiwa imi vaJudha nevomuJerusarema, musatya kana kuvhunduka.” (2 Mak. 20:17) Asi zvinhu zvichange zvakamira sei kudenga? Ichitaura nezvenguva iyo vakazodzwa vose vanenge vava kudenga, Zvakazarurwa 17:14 inoti vavengi vevanhu vaMwari ‘vacharwa neGwayana, asi, nokuti iro ndiShe wemadzishe naMambo wemadzimambo, Gwayana richavakunda. Uyewo, vaya vakadanwa, vakasarudzwa uye vakatendeka vari pamwe chete naye vachakundawo.’ Jesu pamwe chete nevane 144 000 vaachatonga navo kudenga, vachauya kuti vanunure vanhu vaMwari panyika.

17 Kununurwa ikoko kuchaguma nokurwiwa kwehondo yeAmagedhoni uye hondo iyi ichaita kuti zita dzvene raJehovha rikudzwe. (Zvak. 16:16) Panguva iyoyo, vanhu vose vanofananidzwa nembudzi “vachaenda mukugurwa kusingaperi.” Nyika yose ichange isisina uipi uye boka guru revanhu richapona pachikamu chokupedzisira chokutambudzika kukuru. Kana zvose izvi zvaitika, muchato weGwayana unotaurwa mubhuku raZvakazarurwa uchabva watanga. (Zvak. 21:1-4) * Vanhu vose vanenge vasara panyika vachawana makomborero anobva kuna Mwari. Muchato iwoyo uchanakidza chaizvo! Tinongoti dai zuva racho rachisvika.—Verenga 2 Petro 3:13.

18. Tichifunga nezvekuzadziswa kwava kuda kuita zvinhu zvakataurwa neBhaibheri, tinofanira kutsunga kuitei?

18 Tichifunga nezvezviitiko izvi zviri mberi, mumwe nemumwe wedu anofanira kuitei? Muapostora Petro akafemerwa kunyorwa kuti: “Zvinhu zvose izvi zvazvichanyungudutswa kudaro, imi munofanira kuva vanhu vorudzii pamabasa matsvene omufambiro nemabasa okuzvipira kuna Mwari, muchimirira uye muchiramba muchinyatsofunga nezvokuvapo kwezuva raJehovha . . . Nokudaro, vadiwa, zvamakamirira zvinhu izvi, itai zvose zvamunogona kuti muwanikwe naye pakupedzisira musina ruvara uye musina gwapa, muine rugare.” (2 Pet. 3:11, 12, 14) Saka ngatitsungei kuramba takachena pakunamata, tichitsigira Mambo Worugare.

^ ndima 2 Ona Nharireyomurindi yaApril 15, 2012, mapeji 25-26.

^ ndima 15 Vakazodzwa vanenge vari vapenyu panguva iyoyo havazoendi kudenga nemiviri yavo yenyama. (1 VaK. 15:48, 49) Zvinoita sokuti miviri yavo yenyama ichanyangarika sezvakaita waJesu.

^ ndima 17 Pisarema 45 rinoratidzawo kutevedzana kuchaita zvinhu panguva iyoyo. Mambo achatanga arwa hondo, muchato wobva wazoitika.