Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

NHARIREYOMURINDI​—YEKUDZIDZA October 2017

Magazini ino ine nyaya dzekudzidza dzaNovember 27 kusvika December 24, 2017.

NYAYA YEUPENYU

Kuita Zvaunoudzwa naJehovha Kunounza Makomborero

Muna 1952, Olive Matthews nemurume wake vakabvuma pavakakumbirwa kuti vatamire kuIreland kunopayona ikoko. Jehovha akavakomborera sei?

‘Dananai Nemabasa Nechokwadi’

Tingaratidza sei kuti rudo rwedu nderwechokwadi, rusina unyengeri?

Chokwadi Hachiunzi “Rugare, Asi Bakatwa”

Nderipi “bakatwa” iro Jesu akati aizounza, uye ringakuita sei?

Josefa wekuArimatiya Anotsigira Chokwadi

Murume uyu aimbova ani? Aizivira Jesu kupi? Nei uchifanira kuziva nezvenyaya yake?

Zvakaratidzwa Zekariya Zvinokubatsira Sei?

Mupumburu uri kubhururuka, mukadzi akavharirwa mumudziyo uye vakadzi vaviri vari kubhururuka. Nei Mwari akaratidza Zekariya zvinhu izvi zvinoshamisa?

Ngoro Uye Korona Zvinokuchengetedza

Makomo emhangura, ngoro dzehondo, uye mupristi mukuru anova mambo. Zvakaratidzwa Zekariya pekupedzisira zvinopa vanhu vaMwari chivimbo chei?

Mutsa wechiKristu Wakaratidzwa Kamwe Chete

Mutsa wakaratidzwa kamwe chete wakabatsira sei munhu aimbopikisa chokwadi cheBhaibheri kuti atange kuchifarira?

Waizviziva Here?

Itsika ipi yaiitwa nevaJudha yakaita kuti Jesu ashore nyaya yekuita mhiko?