Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Sarudza Mutauro Shona

Mutsa​—Unhu Hunoratidzwa Nezvatinotaura Nezvatinoita

Mutsa​—Unhu Hunoratidzwa Nezvatinotaura Nezvatinoita

KURATIDZA mutsa kunokurudzira uye kunonyaradza chaizvo! Tinofara patinoona kuti mumwe munhu ane hanya nesu. Sezvo mumwe nemumwe wedu achifarira kuratidzwa mutsa, tingaita sei kuti tive neunhu uhwu hwakanaka?

Mutsa unosanganisira kunyatsofarira kuti vamwe zvivafambire zvakanaka uye izvozvo zvinoratidzwa nezvatinotaura uye zvatinoita. Sezvo mutsa uchiratidzwa nemabasa, hazvina kukwana kuratidza tsika dzakanaka tichiitira kuonekwa nevanhu. Rudo rwakadzama uye tsitsi ndizvo zvinoita kuti munhu aratidze mutsa wechokwadi. Mutsa wakadaro chimwe chezvibereko zvemweya waMwari chinofanira kuva nevaKristu vese. (VaG. 5:22, 23) Tinofanira kuva nemutsa, saka ngationgororei kuti Jehovha nemwanakomana wake vakaratidza sei mutsa uye kuti tingavatevedzera sei.

JEHOVHA ANE MUTSA KUVANHU VESE

Jehovha ane mutsa uye anofunga zvakanakira munhu wese, kusanganisira “vasingaongi nevakaipa.” (Ruka 6:35) Semuenzaniso, Jehovha ‘anoita kuti zuva rake ribudire vanhu vakaipa nevakanaka uye anoita kuti kunaye pavanhu vakarurama nevasina kururama.’ (Mat. 5:45) Saka kunyange vaya vanoramba kuti Jehovha ndiye Musiki wavo vanobatsirwawo nezvinhu zvaanopa zvinotsigira upenyu uye vanombofarawo.

Muenzaniso mukuru wemutsa tinouwana pane zvakaitwa naJehovha kuna Adhamu naEvha. Vachangobva kutadza, Adhamu naEvha “vakasonanidza mashizha omuonde, vakazvigadzirira zvinofukidza chiuno.” Asi Jehovha aiziva kuti vaida mbatya dzakakodzera kuti vararame kunze kweEdheni, kwaiva nevhu rakanga ratukwa rikava ‘neminzwa nerukato.’ Saka nemutsa wake Jehovha akavagadzirira “nguo refu dzematehwe.”​—Gen. 3:7, 17, 18, 21.

Kunyange zvazvo Jehovha aine mutsa ‘kuvanhu vakaipa nevakanaka’ anoda chaizvo kuratidza mutsa kuvashumiri vake vakatendeka. Semuenzaniso, mumazuva emuprofita Zekariya, imwe ngirozi yainetseka nekuti basa rekuvakazve temberi muJerusarema rainge ramiswa. Jehovha akateerera zvichemo zvengirozi yacho uye akaipindura “nemashoko akanaka, mashoko anonyaradza.” (Zek. 1:12, 13) Jehovha akaitawo saizvozvo kumuprofita Eriya. Pane imwe nguva, muprofita wacho ainge akaora mwoyo zvekuti akakumbira Jehovha kuti amuuraye. Jehovha akacherechedza manzwiro aiita Eriya uye akatuma ngirozi kuti imusimbise. Uyezve Mwari akaita kuti muprofita wacho azive kuti aisava ega. Eriya paakawana mashoko emutsa akadaro uye rubatsiro rwaaida, akanga ava kukwanisa kuenderera mberi nebasa rake. (1 Madz. 19:1-18) Pavashumiri vaMwari, ndiani anoratidza mutsa waJehovha kupfuura vamwe vese?

 JESU ANE MUTSA WAKAKURA

Paaiita ushumiri hwake panyika Jesu aizivikanwa semunhu ane mutsa uye anofunga zvakanakira vamwe. Haana kumbobvira arwadzisa vamwe kana kuvaremedza. Achiratidza tsitsi akati: “Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ini ndichakuzorodzai. . . . Nokuti joko rangu nderomutsa.” (Mat. 11:28-30) Vanhu vakatevera Jesu kwese kwaaienda nekuti vaiona mutsa wake. “Asiririswa navo,” Jesu akavapa zvekudya, akaporesa vairwara vavo, uye akavadzidzisa “zvinhu zvizhinji” nezvaBaba vake.​—Mako 6:34; Mat. 14:14; 15:32-38.

Mutsa wakakura waJesu waioneka pamabatiro aaiita vamwe achiratidza kunzwisisa. Kunyange Jesu paaida kuzorora, aigamuchira ‘nemutsa’ vese vaimutsvaga nemwoyo wese. (Ruka 9:10, 11) Semuenzaniso haana kutsiura mukadzi aitya, akanga abata nguwo yake yekunze achitarisira kupora pakubuda kwaaiita ropa, kunyange zvazvo ainge asina kuchena maererano nemutemo. (Revh. 15:25-28) Achinzwira tsitsi mukadzi uyu akanga atambura kwemakore 12, Jesu akamuudza kuti: “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare, uve noutano hwakanaka pachirwere chako chinotambudza.” (Mako 5:25-34) Uku kwaiva kuratidzwa kwemutsa kunoshamisa zvikuru!

MUTSA UNORATIDZWA NEMABASA AKANAKA

Mumienzaniso ichangobva kutaurwa, tinoona kuti mutsa wechokwadi unoratidzwa nemabasa. Mumufananidzo wemuSamariya akanaka, Jesu akaratidza kukosha kwemabasa. Kunyange zvazvo paiva neruvengo pakati pevaSamariya nevaJudha, muSamariya wemumufananidzo wacho akasiririswa nemurume akanga abirwa, arohwa uye asiyiwa ava kuda kufa mumugwagwa. Mutsa wakaita kuti muSamariya wacho aite chimwe chinhu. Akarapa maronda emurume wacho ndokuenda naye kuimba yevanenge vari parwendo. MuSamariya wacho akabva abhadhara muchengeti weimba yacho kuti achengete murume wacho uye akati aizomubhadhara zvimwe zvaanenge aita.​—Ruka 10:29-37

Kunyange zvazvo mutsa uchiwanzoratidzwa nemabasa, unogona kuratidzwawo nemashoko anenge anyatsofungwa uye anokurudzira. Saka kunyange zvazvo ‘kuzvidya mwoyo kuri mumwoyo memunhu kuchiuremedza,’ Bhaibheri rinotiwo “shoko rakanaka ndiro rinoita kuti ufare.” (Zvir. 12:25) Kana tiine mutsa nerunako tichaudza vamwe mashoko anokurudzira uye izvi zvichavabatsira kuti vawedzere kufara. * Mashoko edu ane mutsa acharatidza kuti tinovada. Kana tikavakurudzira zvichavabatsira kutsungirira matambudziko avanosangana nawo.​—Zvir. 16:24.

TINGAVA SEI NEMUTSA?

Vanhu vese vanokwanisa kuva nemutsa nekuti vakasikwa “nemufananidzo waMwari.” (Gen. 1:27) Semuenzaniso, Juriyasi, musoja weRoma aichengetedza Pauro paaienda kuRoma, akaitira muapostora wacho “mutsa kwazvo, akamubvumira kuenda kushamwari dzake kuti dzinomutarisira” muguta reSidhoni. (Mab. 27:3) Pava paya, vagari vemuMarita vakaratidza “mutsa unoshamisa” kuna Pauro nevamwe vakanga vachangobva kuwirwa nenjodzi yekuparara kwechikepe. Vanhu vepachitsuwa chacho vakatovabatidzira moto. (Mab. 28:1, 2) Zvavakaita zvinorumbidzwa chaizvo, asi kuti tive vanhu vane mutsa zvechokwadi, tinofanira kuita zvinopfuura kuratidza mutsa pano neapo.

Kuti tinyatsofadza Mwari, tinofanira kuva nemutsa nguva dzese muupenyu hwedu. Ndosaka Jehovha achitiudza kuti ‘tipfeke’  mutsa. (VaK. 3:12) Kunyange zvakadaro, hazvisi nyore kuti tigare tiine unhu uhwu hunodiwa naMwari. Nei zvakadaro? Tingarega kuratidza mutsa nemhaka yekunyara, kushaya chivimbo, kupikiswa kana kapfungwa katingava tichiri nako kekuda kuita zvakangotinakira. Kunyange zvakadaro, tinogona kukurira matambudziko akadaro nekuvimba nemweya mutsvene uye kutevedzera Jehovha pakuratidza mutsa.​—1 VaK. 2:12.

Ndepapi patinofanira kuvandudza pakuratidza mutsa? Tinofanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndinoteerera vamwe ndichiratidza kuvanzwira tsitsi here? Ndinocherechedzawo zvinodiwa nevamwe here? Ndepapi pandakapedzisira kuratidza mutsa mumwe munhu asiri weukama kana shamwari yepedyo?’ Tinogona kubva tava nezvinangwa zvakadai sekuziva zvakawanda nezvevanhu vakatipoteredza, kunyanya vari muungano yechiKristu. Nekuita izvi tinogona kuziva mamiriro avo ezvinhu uye pavanoda kubatsirwa. Zvadaro tinofanira kuedza kuratidza vamwe mutsa nenzira dzataizoda kuti vamwe vatiratidze mutsa. (Mat. 7:12) Pakupedzisira, Jehovha achatibatsira kuti tive nemutsa kana tikamukumbira kuti atibatsire.​—Ruka 11:13.

MUTSA UNOITA KUTI VAMWE VAFARIRE CHOKWADI

Muapostora Pauro paakanyora zvinhu zvairatidza kuti aiva mushumiri waMwari, akataurawo “mutsa.” (2 VaK. 6:3-6) Vanhu vaifarira Pauro nekuti aivada, uye izvozvo akazviratidza nemashoko uye mabasa emutsa. (Mab. 28:30, 31) Saizvozvowo tinogona kuita kuti vanhu vafarire chokwadi kana tikaratidza mutsa. Patinoitira mutsa vanhu vese, kusanganisira vanotipikisa, tinogona kupfavisa mwoyo yavo. (VaR. 12:20) Nekufamba kwenguva vanogona kuzofarira zvinotaurwa neBhaibheri.

Muparadhiso yepanyika iri kuuya, hapana mubvunzo kuti vanhu vasingaverengeki vachamutswa vachafara pavacharatidzwa mutsa wechokwadi, zvichida kekutanga. Kuonga kwavo kuchaita kuti vade kuratidzawo mutsa. Panguva iyoyo chero ani anoramba kuratidza mutsa uye kubatsira vamwe haazogari nekusingaperi muParadhiso. Ukuwo vaya vachabvumirwa naMwari kuti vararame nekusingaperi vacharatidza vamwe rudo nemutsa. (Pis. 37:9-11) Zvechokwadi pachange paine kuchengeteka nerugare! Kunyange zvazvo nguva iyoyo yakazonaka isati yasvika, tingabatsirwa sei nekuratidza mutsa iye zvino?

ZVAKANAKIRA KURATIDZA MUTSA

“Munhu ane mutsa worudo anoitira mweya wake zvakanaka,” rinodaro Bhaibheri. (Zvir. 11:17) Vanhu vanowanzofarira munhu ane mutsa, uye kakawanda kacho vanomuratidzawo mutsa. Jesu akati: “Nechiyereso chamuri kuyera nacho, vachakuyereraiwo nacho.” (Ruka 6:38) Saka zviri nyore kuti munhu ane mutsa awane shamwari dzakanaka uye arambe ainadzo.

Muapostora Pauro akakurudzira vaya vaiva muungano yemuEfeso kuti ‘vaitirane mutsa, vachinzwirana tsitsi kwazvo, vachikanganwirana nemwoyo wese.’ (VaEf. 4:32) Ungano inonyanya kubatsirwa chaizvo kana iine vaKristu vanonzwirana tsitsi, vanoratidzana mutsa uye vanobatsirana. Vanhu vakadaro havatomboiti zvinhu zvakadai sekutaura mashoko anorwadza, kutsoropodza vamwe, kana kuvatsvinyira. Pane kuti vaparadzire mashoko anokuvadza, vanoedza chaizvo kushandisa rurimi rwavo pakubatsira vamwe. (Zvir. 12:18) Izvi zvinoita kuti ungano isimbe uye ishumire Jehovha ichifara.

Sezvataona, mutsa unoratidzwa nemashoko nemabasa. Patinova nemutsa, tinoratidza ushamwari uye rupo saMwari wedu Jehovha. (VaEf. 5:1) Tikadaro tinosimbisa ungano dzedu uye zvinoita kuti vamwe vafarire kunamata kwakachena. Ngatigarei tichizivikanwa sevanhu vanoratidza mutsa!

^ ndima 13 Tichakurukura nezverunako mune imwe yenyaya dzechikamu chino chenyaya dzinotevedzana dzinokurukura ‘chibereko chemweya.’