Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Nharireyomurindi  |  Nhamba 6 2017

 NYAYA IRI PAKAVHA | NDECHIPI CHIPO CHIKURU KUPFUURA ZVESE

“Ndicho Chipo Chandakanyanya Kufarira Kupfuura Zvese”

“Ndicho Chipo Chandakanyanya Kufarira Kupfuura Zvese”

Mashoko aya akataurwa nemumwe musikana ane makore 13 paakapiwa imbwa. Mumwe mukadzi ane bhizinesi rake akati kombiyuta yaakapiwa nababa vake paakanga achiri kuchikoro ndicho chipo chakachinja upenyu hwake. Uye mumwe murume akati akanyanya kufarira kadhi raakagadzirirwa nemudzimai wake pavakasvitsa gore vachata.

Gore negore, vanhu vakawanda vanoita nguva vachitsvagira hama neshamwari chipo chakanaka. Uye vakawanda vanoda kunzwa vanhu vavakatengera vachitaura kufarira kwavanoita chipo chacho. Ko iwe? Unoda here kupa chipo chekuti munhu wawapa anofarawo nacho kana kuti kupiwa chipo chinoita kuti ufare?

Kukwanisa kuita izvozvo kwakanaka, nekuti watichapa achafara uye nesuwo tichafara. Ndosaka Bhaibheri richiti: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.” (Mabasa 20:35) Kufara kwatinoita kunowedzera kana munhu watapa akaratidza kuti anokoshesa chipo chacho.

Saka ungaita sei kuti iwe newauri kupa mufare? Zvii zvaungaita kuti umupe chipo chaachafarira kunyange zvazvo ungasaziva chaanganyatsoda?