Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Nharireyomurindi  |  Nhamba 3 2016

Zita raMwari (rakaiswa mumadenderedzwa) semanyorerwo araiitwa muzvinyorwa zveBhaibheri zvekare

Bhaibheri Rinotii?

Bhaibheri Rinotii?

Mwari ane zita here?

VAMWE VANOTI haana zita,vamwe vanoti zita rake nderokuti Mwari kana kuti Ishe, uye vamwewo vanoti ane mazita akawanda. Unotiwo chii?

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

“Imi, mune zita rokuti Jehovha, imi moga ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose.”Pisarema 83:18.

NDEZVIPI ZVIMWE ZVATINODZIDZA MUBHAIBHERI?

  • Kunyange zvazvo Mwari aine mazita akawanda ekuremekedza, ane zita rimwe chete raakazvipa.Eksodho 3:15.

  • Hatigoni kuti Mwari haanzwisisiki nekuti iye anotoda kuti timuzive.Mabasa 17:27.

  • Kuziva zita raMwari ndiro danho rekutanga rekuti tive shamwari dzake.Jakobho 4:8.

Zvakaipa here kutaura zita raMwari?

UNGATI KUDII?

  • Ehe

  • Aiwa

  • Zvinosiyana munhu nemunhu

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

“Usashandisa zita raJehovha Mwari wako pasina.” (Eksodho 20:7) Chakaipa chete kushandisa zita raMwari zvisina ruremekedzo.Jeremiya 29:9.

NDEZVIPI ZVIMWE ZVATINODZIDZA MUBHAIBHERI?

 

Inzwa zvimwe

MASHOKO AKANAKA ANOBVA KUNA MWARI!

Mwari Ane Zita Here?

Mwari ane mazita akawanda okumuremekedza anosanganisira okuti Wemasimbaose, Musiki, uye Ishe. Asi zita rake rinowanika kanopfuura ka7 000 muBhaibheri.

Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?

Chokwadi Pamusoro paMwari Ndechipi?

Unofunga kuti Mwari anokuda here? Verenga unzwe kuti Bhaibheri rinoti Mwari ane unhu hwakaita sei uye zvaungaita kuti uve pedyo naye.