Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Nharireyomurindi  |  Nhamba 1 2016

Bhaibheri Rinotii?

Bhaibheri Rinotii?

Chii chinoitika patinofa?

VAMWE VANOTI patinofa pane chimwe chinhu chiri matiri chinoenderera mberi nekurarama kune imwe nzvimbo uye vamwe vanoti kana munhu afa zvatopera. Munotiwo chii?

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

“Vakafa havana kana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5) Kana tafa tinenge tisisipo.

ZVIMWE ZVATINODZIDZA MUBHAIBHERI

  • Munhu wekutanga Adhamu akadzokera kuguruva paakafa. (Genesisi 2:7; 3:19) Saka munhu wese paanofa anodzokerawo kuguruva.—Muparidzi 3:19, 20.

  • Vanhu pavanofa vanoregererwa kana kuti vanosunungurwa pazvivi zvavo. (VaRoma 6:7) Munhu haazorangirwi zvivi zvake kana achinge afa.

Vakafa vachamuka here?

UNOTI CHII?

  • Hongu

  • Kwete

  • Pamwe

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

“Kuchava nokumuka.”—Mabasa 24:15.

CHII CHIMWE CHATINOGONA KUDZIDZA MUBHAIBHERI?

 

Inzwa zvimwe

Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?

Vakafa Vari Kupi?

Verenga Bhaibheri unzwe kuti kana munhu afa anoendepi uye kuti sei tichifa.