Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Mukai!  |  Nhamba 5 2017

Guta reAstana

 NYIKA DZAKASIYANA-SIYANA

Kushanya kuKazakhstan

Kushanya kuKazakhstan

VANHU vekare vekuKazakhstan vaigara mumatende. Vamwe ndizvo zvavachiri kuita mazuva ano uye vanotama-tama nezvipfuwo zvavo vachienda kune mafuro. Mumwaka wechirimo, vanoenda kunzvimbo dzakakwirira dzinotonhorera. Panozosvika chando, vanobva vadzika nezvipfuwo zvavo munzvimbo dzinodziya.

Vamwe vekuKazakhstan vanogara mumataundi. Asi tsika dzavo, zvekudya uye zvavanoruka kana kusona zvinoratidza mararamiro aiita madzitateguru avo. Vanofarira nhetembo dzechinyakare, nziyo uye mimhanzi inoridzwa nezviridzwa zveko.

Dzimba dzematende dzinonzi mayurt dziri nyore kugadzira uye hadzikanganisi nharaunda. Vafudzi vanodzifarira  uye vanhu vanogara mutaundi vanowanzodzishandisa pavanoita zvinhu zvakadai semichato. Vanhu vanoshanya kunyika iyi vanofarirawo kugara mudzimba idzi. Vakadzi veko vanogadzira mukati medzimba idzi zvakanaka, vachiisa zvirukwa zvinoyevedza uye makapeti.

Mukati meyurt

Vanhu vekumaruwa vanokoshesa chaizvo mabhiza. Mumutauro weKazakh mune mashoko anopfura 21 anotsanangura zvakaita mabhiza, uye anopfuura 30 anotsanangura ruvara rwawo. Kana ukapiwa bhiza, unenge wapiwa chipo chakakosha. Vakomana vanodzidzira kutasva mabhiza vachiri vadiki.

Nguva zhinji chikafu chavo chinenge chiine nyama uye havawanzoisi mhiripiri. Vanofarirawo kunwa koumiss, iyo inogadzirwa nemukaka wemabhiza uye inonzi ine utano, neimwe inonzi shubat, inogadzirwa nemukaka wakakora wengamera.

Vashanyi vakasununguka kushanyira hofisi yeZvapupu zvaJehovha yekuAlmaty uye vanogona kuratidzwa zvinoitwapo.

Mbada dzinenge dziri mumakomo mumwaka wechirimo