Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

MUKAI! NHAMBA 5 2016

 ZVEPASI RINO

Nyika dzekuAmerica

Nyika dzekuAmerica

Zviri kubuda munhau dzekuAmerica zvinoratidza kuti zviri muBhaibheri zvichiri kushanda.

Kuvhura maE-mail Pese Pese Kunoita Kuti Unyanye Kunetseka

Ongororo yakaitwa kuVancouver, muCanada yakaratidza kuti kana vanhu vakatarisa mameseji avo pae-mail katatu pazuva zvinogona kuvabatsira kuti vasanyanya kunetseka. Kostadin Kushlev, uyo aitungamirira ongororo iyi akati zvakaonekwa kuti: “Hazvisi nyore kuti ugare usingatarisi email, asi kukurira muedzo uyu kunoita kuti uderedze kunetseka.”

ZVOKUFUNGA NEZVAZVO: Sezvo tichirarama ‘panguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo,’ pane zvatingaitawo here kuti tideredze kunetseka?2 Timoti 3:1.

Nzvimbo Dzinorambidzwa Kuredza

Sangano rekuchengetedzwa kwemhuka reWildlife Conservation Society (WCS) rakati kuBelize nedzimwewo nzvimbo dzekuCaribbean, “zvisikwa zvemumvura zvakadai seconch, lobster nehove zvakatanga kuwanda munzvimbo dzinorambidzwa vanhu kuredza.” Rakawedzera kuti: “Kuti nhamba yezvisikwa izvi zvemumvura iwedzere pangada makore anenge 1 kusvika ku6, asi kuti izodzokera pane zvayaimbova kare . . . panotoda makumi emakore.” Janet Gibson, wesangano reWCS anoti nezveBelize: “Kurambidza vanhu kuredza mune dzimwe nzvimbo kunobatsira kuti hove nezvimwewo zviwedzere.”

ZVOKUFUNGA NEZVAZVO: Kusaparara kwezvinhu zvakasikwa hakuratidzi here kuti pane Musiki akachenjera?Pisarema 104:24, 25.

Kuurayana muBrazil

Vanobudisa nhau kuBrazil veAgência Brasil, vanoti kuurayana kuri kuwedzera. Muna 2012, kwakaurayiwa vanhu vanodarika 56 000, uye sangano rezveutano rinoti hapana kumbova negore rakaurayiwa vanhu vakawanda saizvozvo. Luís Sapori uyo anoona nezvekuchengeteka kwevanhu munyika anoti izvi zvinoratidza kuti vanhu havachavhunduki nekuita zvinhu zvakaipa. Kana vanhu vasingachatevedzeri mitemo, “vanotanga kuita utsinye kuti vawane zvavanoda,” akadaro Luís.

WAIZVIZIVA HERE? Bhaibheri rakagara rataura kuti rudo “ruchatonhora” uye kusateerera mutemo kuchawedzera.Mateu 24:3, 12.