Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Mukai!  |  Nhamba 2 2017

Guta reToledo rinoratidza tsika dzekare dzevanhu vekuSpain nemagariro avo. Muna 1986, guta iri rakatanga kuverengwawo panzvimbo dzinoyevedza pasi rose uye vashanyi vakawanda vanorifarira

 NYIKA DZAKASIYANA-SIYANA

Kushanya kuSpain

Kushanya kuSpain

SPAIN inyika izere nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana. Nzvimbo dzakawanda dzemunyika iyi dzinorimwa gorosi, mazambiringa nemaorivhi. Kubva kuzasi kweSpain kusvika kuAfrica pane makiromita 14 chete uchifamba nemugungwa.

Vanhu vakawanda, kusanganisira vaFenikiya, vaGiriki, nevaCarthage vanobva kuNorth Africa vakatamira kuSpain. VaRoma pavakakunda Spain mumakore ekuma400 B.C.E., vakaitumidza kuti Hispania. Yakabva yazogarwawo nevaVisigoth nevaMoor, uye zvinhu zvavaiita patsika dzavo zvichiri kuitwa nanhasi.

Muna 2015, vanhu vanopfuura 68 miriyoni vakashanya kuSpain. Vakawanda vanoshanya panguva yakunenge kuchidziya, uye vamwe vanenge vachienda kumabeach, vamwe  vachida kuona zvinhu zvekare zvinoyevedza zviri munyika iyi. Chimwewo chinoita kuti vaendeko inyaya yekuti vanofarira chikafu cheko. Chimwe chikafu chacho tupuka twemugungwa, cured ham, nyama ine muto, masalad, uyewo mavegetables akabikwa kana kuti anenge akaiswa olive oil. Chikafu chinonzi Spanish omelet, paella, uye tapas chinozivikanwa nevakawanda pasi rose.

Mariscada chikafu chinobikwa netupuka twemugungwa

Vanhu vari kutamba flamenco

Vanhu vemuSpain vakasununguka uye vane ushamwari. Vakawanda vavo vanoti vanopinda chechi yeRoma, asi vashoma ndivo vanoenda kuMisa. Mumakore achangobva kupfuura, vanhu vekuAfrica, Asia, uye Latin America vakatamira kuSpain. Vakawanda vavo vanofarira kukurukura nezvechitendero chavo uye tsika dzavo. Zvapupu zvaJehovha zvinokurukura navo uye zviri kubatsira vanhu ava kuziva zvinodzidziswa neBhaibheri panyaya dzakasiyana-siyana.

Mugore ra2015, Zvapupu zvinopfuura 10 500 zvakazvipira kuvaka kana kugadziridza nzvimbo 70 dzinonamatirwa neZvapupu dzinonzi Dzimba dzeUmambo. Kanzuru dzeko dzakavapawo nzvimbo dzekuti vavakire Dzimba dzeUmambo. Zvapupu zvaJehovha zvinoita misangano mumitauro inopfuura 30, kusanganisira Spanish, kuti zvibatsire vanobva kune dzimwe nyika. Muna 2016, vanhu vanopfuura 186 000 vakapinda musangano unokosha weZvapupu zvaJehovha wekuyeuka rufu rwaJesu Kristu.