Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Sarudza Mutauro Shona

 NZIRA YEKUWANA MUFARO

Kugutsikana Uye Kuva Nerupo

Kugutsikana Uye Kuva Nerupo

VANHU VAKAWANDA VANOFUNGA KUTI KUVA NEPFUMA NDIKO KUCHAITA KUTI VAFARE. Izvi zviri kuita kuti vazviuraye nekushanda kuti vaite mari yakawanda. Asi kuva nemari kunoita kuti munhu anyatsofara here? Inzwa zvakabuda mune dzimwe ongororo.

Bhuku rinonzi Journal of Happiness Studies rinoti kana tikangowana zvinhu zvatinoda kuti tirarame, imwe mari haizoiti kuti mufaro wedu uwedzere. Mari pachayo haina kuipa. Magazini inonzi Monitor on Psychology inoti, ‘kuda mari ndiko kunoita kuti munhu asafara.’ Mashoko iwayo akada kufanana neakanyorwa muBhaibheri ekuti: “Kuda mari ndiwo mudzi wezvinhu zvinokuvadza zvemarudzi ose, uye vachitevera rudo irworwo, vamwe . . . vakazvibaya pose pose nokurwadziwa kuzhinji.” (1 Timoti 6:9, 10) Kurwadziwa ikoko kunosanganisira chii?

KUNETSEKA UYE KUSHAYA HOPE NEKUFUNGA KUTI VANGACHENGETEDZA SEI PFUMA. “Hope dzomunhu anoshanda dzakanaka, pasinei nokuti anodya zvishoma here kana kuti zvizhinji; asi zvinhu zvizhinji zvomupfumi hazvimubvumiri kurara.”—Muparidzi 5:12.

KUORA MWOYO PAVANOTADZA KUWANA MUFARO WAVANGA VACHIFUNGIDZIRA. Chinoita kuti vaore mwoyo ndechekuti mari haigutsi. “Munhu anoda sirivha haazogutswi nesirivha, uyewo munhu anoda pfuma haazogutswi nemari inowanikwa.” (Muparidzi 5:10) Uyewo kuda mari kunogona kutadzisa munhu kuita zvinhu zvinokosha zvinoita kuti afare, zvakadai sekuva nenguva nemhuri neshamwari kana kuti kuita zvinhu zvekunamata.

KUSHUNGURUDZIKA PANOPERA MARI YACHO. “Usashanda zvakaoma kuti uwane pfuma. Rega kuvimba nokunzwisisa kwako. Wakaita kuti maziso ako aitarire here, iyo zvaisiri chinhu? Nokuti chokwadi inomera mapapiro seegondo yobhururuka.”—Zvirevo 23:4, 5.

 ZVINHU ZVINOITA KUTI UFARE

KUGUTSIKANA. “Hatina kuuya nechinhu panyika, uye hapana chatingabuda nacho. Naizvozvo, kana tiine zvokudya nezvokupfeka nepokugara, tichagutsikana nezvinhu izvi.” (1 Timoti 6:7, 8) Vanhu vanogutsikana havawanzogunun’una uye izvi zvinoita kuti vasaita godo. Uye havanyanyi kunetseka sezvo vachigutsikana nezvinhu zvavanenge vainazvo.

KUVA NERUPO. “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.” (Mabasa 20:35) Vanhu vane rupo vanofara pavanoona vanhu vavanopa vachifara. Kunyange kuteerera mumwe munhu paanenge achitaura kana kungomubatsira kuita chimwe chinhu kunotoita kuti vafare. Kakawanda kacho vanotozowana zvinhu zvakawanda zvisingakwanisi kutengwa nemari zvakadai serudo, ruremekedzo uye shamwari dzechokwadi dzinewo rupo.—Ruka 6:38.

KUDA VANHU KUPFUURA ZVINHU. “Zviri nani kuva nezvokudya zvomuriwo paine rudo pane kuva nenzombe yakakodzwa asi paine ruvengo.” (Zvirevo 15:17) Vhesi iyi inorevei? Kuwirirana nevamwe kunokosha kupfuura pfuma. Sezvatichaona munyaya iri kumberi, kuva nerudo kunoita kuti tifare.

Mumwe mukadzi anogara kuSouth America anonzi Sabina akaona kuti kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri kunobatsira. Akasiyiwa nemurume wake achibva asara achichengeta vana vaviri uye zvakanga zvisiri nyore. Aishanda mabasa maviri uye aimuka na4:00. Kunyange zvazvo aigara akabatikana, akatanga kudzidza Bhaibheri. Zvakamubatsira here?

Kunyange zvazvo dambudziko remari risina kupera, upenyu hwake hwakachinja zvinoshamisa. Semuenzaniso, akatanga kufara nemhaka yekukoshesa zvinhu zvekunamata. (Mateu 5:3) Akawana shamwari dzechokwadi pavanhu vaainamata navo. Uye akatanga kuudzawo vamwe zvinhu zvaakanga adzidza uye izvi zvakaita kuti afare.

Bhaibheri rinoti, “Uchenjeri hunoratidzwa kuti hwakarurama nemabasa ahwo.” (Mateu 11:19) Saka kugutsikana, kuva nerupo uye kuda vanhu kupfuura zvinhu, ndizvo zvinoita kuti munhu afare.