Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

MUKAI! NHAMBA 1 2016

 NYIKA DZAKASIYANA-SIYANA

Kushanya kuLiechtenstein

Kushanya kuLiechtenstein

IYI NDEIMWE yetunyika tudiki pasi rose, uye iri pamakomo eAlps pakati peSwitzerland neAustria. Mumazana emakore akapfuura, vanhu vechiCelt, vechiRhaetian, vechiAlemanni nevekuRome, vose vakambogara munyika iyi. Iye zvino, pavanhu vanogara muLiechtenstein, vanopfuura hafu yavo ndeverudzi rwechiAlemanni, urwo rwakatanga kugara munyika yacho makore anenge 1 500 akapfuura.

Mutauro wechiGerman ndiwo unoshandiswa kuLiechtenstein pakuita zvebhizimisi uye pakudzidza, kunyange zvazvo mataurirwo anoitwa mutauro wacho achisiyana munzvimbo nenzvimbo. Mhando mbiri dzezvokudya zvakakurumbira muLiechtenstein iTüarka-Rebel, chikafu chemhando yepamusoro icho chinogadzirwa nechibage, uyewo Käsknöpfle, musanganiswa wemasipageti nechizi.

Käsknöpfle

Vanhu vakapfeka hembe dzeko dzinoyevedza

Kuenda kunzvimbo dzakasiyana-siyana munyika yacho kunoita kuti vashanyi vakwanise kuona makomo akavharwa nesinou, mipata yakasvibirira, minda yemizambiringa, uye miti yakasiyana-siyana. Somuenzaniso, mukanyika aka kari mumakomo, munowanikwa mhando dzemaruva emusango dzinoda kusvika 50. KuLiechtenstein kunewo mamiziyamu, zvivako zvinoitirwa mitambo uye makambani anogadzira waini. Saka vanhu vanoshanya  kunyika yacho mungava mumwaka wekupisa kana kuti wechando.

Kubvira kuma1920, Zvapupu zvaJehovha zvanga zvichiita basa muLiechtenstein. Pari zvino munyika iyi mune Zvapupu zvinenge 90 zviri kudzidzisa Bhaibheri vanhu vomunyika yacho nevanenge vashanya.