Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

MUKAI! JULY 2015

 ZVEPASI RINO

Zvakatipoteredza

Zvakatipoteredza

Nyika inoita kuti tiwane mhepo yakachena, zvokudya zvinovaka muviri uye mvura yakachena, asi vanhu vari kuramba vachiparadza uye vachisvibisa zvinhu izvi. Masayendisiti ari kuedza chaizvo kutsvaga nzira dzokugadzirisa dambudziko iri.

Australia

Mvura isina munyu wakawanda iri nechepasi mumakungwa ose inofungidzirwa kuti yakawanda makiyubhiki kiromita 500 000. Vincent Post wekuFlinders University kuAdelaide akataura kuti, “Mvura yomumakungwa iri kuwedzera kuwanda.” Akati ‘nzvimbo dzakakwirira dzaingowana mvura munguva yokunaya iye zvino dzava mumakungwa.’ Masayendisiti anovimba kuti mvura iyoyo isina munyu wakawanda ichabatsira kuti vanhu vanopfuura 700 miriyoni vawane mvura yakachena.

Sahara Desert

Hafu yemhuka dzaimbowanikwa muSahara dzakatsakatika kana kuti dzava kungorarama dziri munzvimbo duku kudarika yadzaimbogara. Kuchinja kwemamiriro okunze uye kuvhima kuri kukonzerawo kutsakatika kwemhuka idzi. Vanoongorora vanoti mhuka dzomumagwenga dzakawanda sezvakaita dzinogara mumasango asi “kushaya mari ndiko kungangova kuri kukonzera kuti masayendisiti asanyanya kuisa pfungwa kumhuka dzomumagwenga.” Saka izvi zvinoita kuti vanoona nezvekugara zvakanaka kwemhuka vaomerwe pakuita basa ravo.

Pasi Rose

Ongororo dzakaitwa dzinoratidza kuti pavanhu 8 voga voga vakafa muna 2012, mumwe chete wacho akafa nemhaka yokufema mhepo yakasviba. Maererano neWorld Health Organization, “kusvibiswa kwemhepo yokufema ndiko kwazova chimwe chezvinhu zvikuru zvinokanganisa utano pasi rose.”

Inzwa zvimwe

Chinangwa chaMwari Nokuda Kwenyika Ndechei?

Bhaibheri rinotsanangura kuti nei Mwari akasika nyika, kuti kutambura kuchaguma rini, uye ramangwana renyika uye revaya vanogara pairi rakaita sei.

Vanhu Vachaparadza Pasi Rino Zvokusagadzirisika Here?

Bhaibheri rakagara rataura nezvekuparadzwa kuri kuitwa nyika uye kuti kuchasvika papi.