Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

MUKAI! MARCH 2015

 NYAYA IRI PAKAVHA | BHAIBHERI RICHIRI KUSHANDA HERE?

Mazano Acho Achiri Kubatsira Munhu Wose—Kuzvidzora

Mazano Acho Achiri Kubatsira Munhu Wose—Kuzvidzora

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose, asi munhu akachenjera anoramba akadzikama.”Zvirevo 29:11.

“Ndingadai ndakatofa kare kare!”

CHAZVAKANAKIRA: Dai waizonyora kuti kuzvidzora kwakanakirei, zuva raizobuda rikanyura rikabudazve uchingonyora! Chimwe chawaizonyora ndechokuti kunochengetedza utano hwedu. Bhaibheri rinoti, “Mwoyo wakadzikama upenyu hwomuviri wenyama.” Rinotiwo, “Mwoyo unofara unorapa.” (Zvirevo 14:30; 17:22) Kune rimwe divi, tsvakurudzo dzinoratidza kuti vanhu vasingatani kugumbuka uye vane utsinye vari pangozi yokubatwa nezvirwere, kunyanya zvemwoyo. Asiwo kuzvidzora hakungobatsiri panyaya dzoutano chete.

Cassius, ava nemakore okuma30, anoti: “Ndaiva munhu wenharo uye ndaisatana kuita hasha, uye ndaigara ndichirwa. Ndaiona sokuti vanhu vainditarisira pasi. Asi zvose izvi zvakazochinja pandakatanga kushandisa zvandaidzidza muBhaibheri. Ndakadzidza kudzora hasha dzangu, kuzvininipisa uye kukanganwira vamwe. Dai ndisina kudaro, ndaigona kuzopedzisira ndavharirwa mujeri. Ndingadai ndakatofa kare kare!”

Cassius akadzidza kudzora hasha dzake uye kukanganwira vamwe

Inzwa zvimwe

Mitemo yaMwari Inotibatsira Sei?

Jesu akatsanangura kuti nei tichida kutungamirirwa uye kuti mirayiro ipi miviri inonyanya kukosha.