Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

MUKAI! SEPTEMBER 2014

Ungaitei Kana Wawirwa Netsaona?

Ungaitei Kana Wawirwa Netsaona?

UNGAVA murombo kana mupfumi, rimwe zuva uchawirwa nedambudziko.

BHAIBHERI RINOTI:

“Vanomhanya kwazvo havasi ivo vanokunda panhangemutange, vane simba havasi ivo vanokunda muhondo,vakachenjera havasi ivo vane zvokudya, uyewo vanonzwisisa havasi ivo vane pfuma, kunyange vaya vane zivo havasi ivo vanofarirwa, nokuti vose vanowirwa nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.”Muparidzi 9:11.

Saka uchaitei pauchawirwa nedambudziko rakadai se:

  • Kuparadzirwa zvinhu zvako zvose nemvura kana nezvimwewo?

  • Kubatwa nechirwere chinouraya?

  • Kufirwa nomunhu waunoda?

Zvapupu zvaJehovha, vanova ndivo vanyori vemagazini ino, vanoti Bhaibheri rinogona kukubatsira paunowirwa nedambudziko uyewo rinokupa tariro. (VaRoma 15:4) Verenga nyaya dzinotevera unzwe nezvevanhu vatatu vakabatsirwa naro.