Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Mukai!  |  May 2014

 NYAYA IRI PAKAVHA

Chandinoraramira Chii?

Chandinoraramira Chii?

KANA ukasangana naDiana, * uchaona kuti musikana ane pfungwa dzakapinza, ane ushamwari uye akasununguka. Asi pasinei nounhu hwake hwakanaka kudaro, ane dambudziko rinomushayisa mufaro zvokuti anozviona semunhu asingabatsiri chinhu. Izvi zvinogona kutora mazuva, mavhiki, kana mwedzi yakati wandei achinzwa saizvozvo. “Mazuva ose ndinogara ndichifunga kuti dai ndafa hangu,” anodaro. “Ndinoona sokuti kufa kuri nani.”

“Dzimwe ongororo dzakaratidza kuti pamunhu mumwe chete anozviuraya, kune vamwe 200 vanoedza kuzviuraya uye vamwe 400 vanofunga zvekuzviuraya.”—THE GAZETTE, MONTREAL, CANADA.

Diana anoti haazombofi akazviuraya. Asi dzimwe nguva anoona sokuti hapana chikonzero chokurarama. “Ndinoshuva kuti dai ndafa hangu netsaona,” anodaro. “Rufu harundityisi, ishamwari yangu.”

Zviri kuitika kuna Diana zviri kuitikawo kune vanhu vakawanda, zvokuti vamwe vavo vakambofunga kana kuti vakamboedza kuzviuraya. Vanamazvikokota panyaya yokuti sei vanhu vachida kuzviuraya, vanotaura kuti vanhu vakawanda vanoedza kuzviuraya vanenge vasingadi kufa; chavanoda kupedza matambudziko avanawo. Ivo vanoona sokuti hapana chikonzero chokuti varambe vachirarama, saka vanobva vaona sokuti kufa kuri nani.

Chandinoraramira chii? Funga zvikonzero zvitatu nei uchifanira kurarama.

^ ndima 3 Mazita akachinjwa.