Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Mukai!  |  March 2013

 NDIMWARI AKASIKA HERE?

Muswe weChidhambakura

Muswe weChidhambakura

CHIDHAMBAKURA chinojamba kubva pasi chichienda pamadziro nyore nyore. Kana pachiri kubva pachitsvedza chinoita zvokutamburira kuti chinomhara pachinenge chichida. Saka chinozokwanisa sei kumhara? Kumuswe ndiko kune nyaya yacho yose.

Funga nezveizvi: Zvidhambakura pazvinojamba kubva panzvimbo yakan’aran’azhika iyo inoita kuti zvinyatsobatirira, zvinotanga zvakoka simba zvotaridza muswe pasi. Izvi zvinoita kuti zvikwanise kujamba zvakanaka. Asi kana zviri panzvimbo inotsvedzerera, zvidhambakura zvinonetseka zvokuti hazvigoni kunyatsojamba zvakanaka. Pazvinenge zviri mudenga, zvinosimudza muswe mudenga kuti zvikwanise kunomhara pazvinoda. Maitiro achinozviita anoshamisa. “Kuti chidhambakura chisadonha chinofanira kuchinja chinja mamiriro akaita muswe wacho,” unodaro mushumo wakabudiswa neUniversity of California, Berkeley. Kana nzvimbo yacho yakanyanya kutsvedzerera, chidhambakura chinobvawo chawedzera kusimudza muswe wacho kuti chikwanise kunomhara zvakanaka.

Mashandiro anoita muswe wechidhambakura anogona kubatsira mainjiniya kugadzira zvinhu zvinobatsira pakutsvaka pane vanhu kana pakaitika kudengenyeka kwenyika kana kuti rimwe dambudziko. “Zvinhu zvatinogadzira hazvigoni kunyatsotevedzera zvinoita mhuka,” anodaro mumwe muongorori anonzi Thomas Libby, “saka kana tikagona kugadzira chinhu chinobatsira kuti zvidhori zvemabhatiri zvisadonha tinenge tarwa timire.”

Unofungei? Muswe wechidhambakura wakangoerekana wavapo here kana kuti ndiMwari akausika?