Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

MUKAI! JANUARY 2013

 NDIMWARI AKASIKA HERE?

Kubhururuka Kweshiri Inonzi Bar-Tailed Godwit

Kubhururuka Kweshiri Inonzi Bar-Tailed Godwit

SHIRI iyi inobhururuka ichisvika kunzvimbo dziri kure zvisingaiti. Rwendo rwainofamba rwemakiromita 11 000 rwunogona kutora mazuva anopfuura masere.

Funga nezveizvi: Nyanzvi dzinoongorora dzinofunga kuti dzimwe mhando dzeshiri dzinoshandisa simba rinonzi magnetic field kuti dzizive mafambiro, kuita sokunge kuti dzine kambasi iri mumusoro madzo. Zvinoratidzawo kuti shiri yerudzi urwu inobatsirwa kuti izive kwainoenda nezuva kana kwakachena uye nenyeredzi kana hwava usiku. Zvinonziwo shiri iyi inogona kuona kuti kuri kuuya dutu, izvo zvinogona kuibatsira kuti igoita zvokusundwa nemhepo isingashandisi simba rakawanda. Kunyange zvakadaro, mafambiro anoita shiri idzi anoshamisa nyanzvi dzinoongorora. “Ndava nemakore 20 ndichidzidza nezveshiri idzi,” anodaro mumwe sayendisiti anonzi Bob Gill, “asi nanhasi handisati ndazvinzwisisa.”

Unofungei? Unofunga kuti kuziva nguva yokubhururuka kunoita shiri iyi zvakangoitika netsaona here kana ndiMwari akazviita?