Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi

 CHIKAMU 6

Tinodzidzei paMafashamo Makuru?

Tinodzidzei paMafashamo Makuru?

Mwari akaparadza vakaipa asi akaponesa Noa nemhuri yake. Genesisi 7:11, 12, 23

Kwakanaya kwemazuva 40 neusiku 40, uye mvura yakafukidza nyika yose.Vanhu vose vakaipa vakafa.

Ngirozi dzakapanduka dzakasiya miviri yadzo yenyama ndokuva madhimoni.

Vaya vaiva muareka vakapona. Kunyange zvazvo Noa nemhuri yake vakazofa, Mwari achavamutsa vaine tariro yokurarama nokusingaperi.

 Mwari achaparadzazve vakaipa uye achaponesa vanhu vakanaka. Mateu 24:37-39

Satani nemadhimoni vanoramba vachitsausa vanhu.

Kungofanana nemunguva yaNoa, mazuva ano vanhu vakawanda vanoramba kutungamirira kwaJehovha kune rudo. Jehovha achaparadza vose vakaipa nokukurumidza.2 Petro 2:5, 6.

Vamwe vanhu vakaita saNoa. Vanoteerera Mwari uye vanoita zvaanotaura; ivo Zvapupu zvaJehovha.

Inzwa zvimwe

Ungaziva Sei Kunamata Kwechokwadi?

Panongova nechitendero chimwe chete chechokwadi here? Funga nezvezvinhu zvishanu zvinoratidza kunamata kwechokwadi.