Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi

 CHIKAMU 13

Tinofanira Kuitei Kuti Tifadze Mwari?

Tinofanira Kuitei Kuti Tifadze Mwari?

Dzivisa zvakaipa. 1 VaKorinde 6:9, 10

Kana tichida Jehovha, hatizoiti zvinhu zvaanovenga.

Jehovha haadi kuti tibe, tidhakwe kana kuti tishandise zvinodhaka nenzira yakaipa.

Mwari anovenga kuponda, kubvisa pamuviri uye ungochani. Haadi kuti tive nemakaro kana kuti tirwe nevamwe.

Hatifaniri kunamata zvidhori kana kuita zvemidzimu.

MuParadhiso ichava pasi pano muchange musina vanhu vanoita zvakaipa.

 Ita zvinhu zvakanaka. Mateu 7:12

Kuti tifadze Mwari, tinofanira kuedza kuita saiye.

Ratidza rudo kune vamwe kuburikidza nokuva nemutsa uye rupo.

Iva akatendeseka.

Iva munhu ane mutsa uye anokanganwira.

Udza vamwe nezvaJehovha uye nezvenzira dzake.Isaya 43:10.

Inzwa zvimwe

Mitemo yaMwari Inotibatsira Sei?

Jesu akatsanangura kuti nei tichida kutungamirirwa uye kuti mirayiro ipi miviri inonyanya kukosha.

Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri?

Bhaibheri riri kupa mhinduro dzemibvunzo inokosha muupenyu kumamiriyoni akawanda evanhu panyika. Unodawo here kubatsirwa?