Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi

 CHIKAMU 11

Jehovha Anotinzwa Here?

Jehovha Anotinzwa Here?

Mwari anonzwa minyengetero yedu. 1 Petro 3:12

Jehovha “Munzwi womunyengetero.” (Pisarema 65:2) Anoda kuti titaure naye zvichibva pamwoyo.

Nyengetera kuna Jehovha kwete kune mumwewo munhu.

 Tinogona kunyengeterera zvinhu zvakawanda. 1 Johani 5:14

Nyengeterera kuti kuda kwaMwari kuitwe kudenga uye panyika.

Nyengetera nomuzita raJesu kuti uratidze kuti unokoshesa zvaakakuitira.

Kumbira Jehovha kuti akubatsire kuita zvakanaka. Unogona kunyengetererawo zvokudya, basa, pokugara, zvokupfeka, uye utano.