Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi

 CHIKAMU 14

Ungaratidza Sei Kuti Wakavimbika Kuna Jehovha?

Ungaratidza Sei Kuti Wakavimbika Kuna Jehovha?

Tsigira Mwari. 1 Petro 5:6-9

Usabatanidzwe mutsika chero dzipi zvadzo dzisingapindirani neBhaibheri. Izvi zvinoda kushinga.

Usapinda mune zvematongerwo enyika; havatsigiri Jehovha neUmambo hwake.

 Ita chisarudzo chakarurama—teerera Mwari. Mateu 7:24, 25

Wadzana neZvapupu zvaJehovha; zvichakubatsira kuswedera pedyo naMwari.

Ramba uchidzidza nezvaMwari uye edza kuteerera mirayiro yake.

Kana kutenda kwako kwasimba, unofanira kutsaurira upenyu hwako kuna Jehovha wobhabhatidzwa.Mateu 28:19.

Teerera Mwari. Verenga Bhaibheri uye kumbira Zvapupu zvaJehovha kuti ubatsirwe kurinzwisisa. Ibva washandisa zvauri kudzidza. Kana ukadaro, uchararama nokusingaperi.Pisarema 37:29.

Inzwa zvimwe

MASHOKO AKANAKA ANOBVA KUNA MWARI!

Ndeapi Mashoko Akanaka Pamusoro Pechitendero?

Pachazombova nenguva yokuti vanhu vose vachange vabatana mukunamata Mwari wechokwadi chete here?