Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi

 CHIKAMU 1

Tinoteerera Sei Mwari?

Tinoteerera Sei Mwari?

Mwari anotaura nesu achishandisa Bhaibheri. 2 Timoti 3:16

Mwari wechokwadi akatungamirira varume kuti vanyore pfungwa dzake mubhuku dzvene rimwe chete. Bhuku iroro iBhaibheri. Rine mashoko anokosha ayo Mwari anoda kuti uzive.

Mwari anoziva zvakatinakira uye uchenjeri hwose hunobva kwaari. Kana ukamuteerera, uchava akachenjera zvechokwadi.Zvirevo 1:5.

Mwari anoda kuti munhu wose ari panyika averenge Bhaibheri. Iye zvino rava kuwanika mumitauro yakawanda.

Kana uchida kuteerera Mwari, unofanira kuverenga uye kunzwisisa Bhaibheri.

 Kwose kwose vanhu vari kuteerera. Mateu 28:19

Zvapupu zvaJehovha zvinogona kukubatsira kunzwisisa Bhaibheri.

Zvinodzidzisa chokwadi pamusoro paMwari munyika yose.

Haufaniri hako kubhadhara chimwe chinhu kuti udzidziswe. Unogonawo kudzidza nezvaMwari paImba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha iri kwaunogara.

Inzwa zvimwe

Tingaziva Sei Kuti Bhaibheri Rinobva Kuna Mwari?

Kana Bhaibheri rakanyorwa naMwari rinofanira kunge rakasiyana nemamwe mabhuku ose akanyorwa nevanhu.

Ndiani Akanyora Bhaibheri?

Kana rakanyorwa nevanhu, tingati iShoko raMwari here? Mashoko aani ari muBhaibheri?

Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari Zvechokwadi Here?

Tingava sei nechokwadi chokuti mashoko ari muBhaibheri ndeechokwadi?