Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Swedera Pedyo naJehovha

 CHITSAUKO 28

“Imi Moga Makavimbika”

“Imi Moga Makavimbika”

1, 2. Nei zvichigona kutaurwa kuti Mambo Dhavhidhi akanga asiri mutsva panyaya yokusavimbika?

MAMBO DHAVHIDHI akanga asiri mutsva panyaya yokusavimbika. Pane imwe nguva kutonga kwake kwakanga kuzere nezvinonetsa, kwakawirwa nedambudziko, vanhu vorudzi rwake vachirangana kumumukira. Uyezve, Dhavhidhi akatengeswa nevamwe vataizotarisira kuti vaifanira kunge vari shamwari dzake dzapedyo zvikuru. Funga nezvaMikari, vahosi vaDhavhidhi. Pakutanga, “wakanga achida Dhavhidhi,” sezviri pachena achimutsigira mumabasa ake saMambo. Zvisinei, nokufamba kwenguva, “akamushora mumwoyo make,” achitoona Dhavhidhi se“benzi risinganyari.”—1 Samueri 18:20; 2 Samueri 6:16, 20.

2 Kwaivawo nomupi wemazano waDhavhidhi pachake, Ahitoferi. Mazano ake aikosheswa sokunge akanga ari mashoko aJehovha pachake. (2 Samueri 16:23) Asi nokufamba kwenguva, aivimbwa naye uyu akashanduka kuva mutengesi ndokupindira mukupandukira kwakarongerwa Dhavhidhi. Uye ndiani akanga achitungamirira kumukira kwacho? Absaromu, mwanakomana waDhavhidhi pachake! Murume uyu akaronga zano mukana pawakamuka, “akanyengera mwoyo yavanhu vaIsraeri kuti imude,” achizviita mambo anokwikwidza. Kupandukira kwaAbsaromu kwakasimba kwazvo zvokutomanikidza Mambo Dhavhidhi kutiza kuti azviponese.—2 Samueri 15:1-6, 12-17.

3. Dhavhidhi akanga ane chivimbo chei?

3 Hapana munhu akaramba akavimbika kuna Dhavhidhi here? Mukutambura kwake kwose, Dhavhidhi aiziva kuti zvechokwadi akanga aripo. Ani? Hapana mumwe kunze kwaJehovha Mwari. “Muchava akavimbika kune akavimbika,” akadaro Dhavhidhi nezvaJehovha. (2 Samueri 22:26, NW) Kuvimbika chii, uye Jehovha anopa sei muenzaniso mukuru kwazvo pakuvimbika?

 Kuvimbika Chii?

4, 5. (a) “Kuvimbika” chii? (b) Kuvimbika kwakasiyana pakudini nokutendeka?

4 “Kuvimbika” sokushandiswa kwakunoitwa muMagwaro echiHebheru kunoreva mutsa unoratidzwa nenzira yorudo kune chimwe chinhu uye haugumi kusvikira chinangwa chacho nechinhu ichocho chazadzika. Zvinoreva zvinopfuura kutendeka. Ichokwadi, nokuti munhu anogona kungova akatendeka pamusana pokuti ndizvo zvaanofanira kuita. Mukupesana, kuvimbika kwakadzika midzi murudo. * Uyewo, shoko rokuti “kutendeka” rinogona kushandisirwa kuzvinhu zvisina upenyu. Somuenzaniso, munyori wepisarema akadana mwedzi kuti “chapupu chakatendeka chiri kudenga” nokuti unooneka usiku nguva dzose. (Pisarema 89:37) Asi mwedzi haugoni kurondedzerwa uchinzi wakavimbika. Nei? Nokuti kuvimbika kuratidzwa kworudo—chimwe chinhu icho zvinhu zvisina upenyu zvisingagoni kuratidza.

Mwedzi unonzi chapupu chakatendeka, asi zvisikwa zvipenyu zvinofunga bedzi ndizvo zvinogona kuratidza zvechokwadi kuvimbika kwaJehovha

5 Mupfungwa yomuMagwaro, kuvimbika kune ushamwari. Kuratidzwa kwokuvimbika chaiko kunoratidza kuti pane ukama huripo pakati pomunhu anoratidza kuvimbika neanoratidzirwa.  Kuvimbika kwakadaro hakuchinji pane dzimwe nguva. Hakuna kuita semasaisai egungwa anotakurwa nemhepo inochinja. Pane kudaro, kuvimbika, kana kuti rudo rwakavimbika, rune kudzikama nesimba rokukurira mhinganidzo dzinotyisa zvikuru.

6. (a) Kuvimbika kwava kushoma sei pakati pevanhu, uye izvi zvinoratidzwa sei muBhaibheri? (b) Ndeipi nzira yakanakisisa yokudzidza nayo zvinoreva kuvimbika, uye nei?

6 Zvechokwadi, kuvimbika kwakadaro kwava kushoma nhasi. Kazhinji, shamwari dzapedyo “dzinoda kuputsana.” Tinoramba tichinzwa kuwedzera kwevarume nevakadzi vanorambana. (Zvirevo 18:24, NW; Maraki 2:14-16) Zviito zvounyengeri zvakazara kwazvo zvokuti tinogona kuona todzokorora mashoko omuprofita Mika okuti: “Munhu akavimbika aparara panyika.” (Mika 7:2, NW) Kunyange zvazvo vanhu vachikundikana kakawanda kuratidza mutsa une rudo, Jehovha anoratidza kuvimbika zvikuru kwazvo. Kutaura chokwadi, nzira yakanakisisa yokudzidza nayo zvinoreva kuvimbika kuongorora nzira iyo Jehovha anoratidza nayo chimwe chezvinowanikwa murudo rwake ichi.

Kuvimbika kwaJehovha Kusina Kwakwakaenzana Nakwo

7, 8. Zvingataurwa sei kuti Jehovha oga ndiye akavimbika?

7 Bhaibheri rinoti nezvaJehovha: “Imi moga makavimbika.” (Zvakazarurwa 15:4) Zvingadaro sei? Vanhu nengirozi pane dzimwe nguva havana kuratidza kuvimbika kunoshamisa here? (Jobho 1:1; Zvakazarurwa 4:8) Uye zvakadini naJesu Kristu? Haasi iye “akavimbika” zvikuru waMwari here? (Pisarema 16:10, NW) Saka zvinogona kutaurwa sei zvino kuti Jehovha oga ndiye akavimbika?

8 Kutanga, yeuka kuti kuvimbika kunowanikwa murudo. Sezvo ‘Mwari ari rudo’—ari muenzaniso wakakwana worudo—ndiani angaratidza kuvimbika zvakakwana kupfuura Jehovha? (1 Johani 4:8) Chaizvo, ngirozi nevanhu vangaratidza unhu  hwaMwari, asi Jehovha bedzi ndiye akavimbika zvakakwana. Se“Akakwegura Pamazuva,” ave achiratidza mutsa une rudo kwenguva refu kupfuura zvisikwa zvose zvepasi kana kuti zvokudenga. (Dhanieri 7:9) Nokudaro, Jehovha ndiye muenzaniso mukuru wokuvimbika. Anoratidza kuvimbika kupfuura zvisikwa zvose. Funga nezvemimwe mienzaniso.

9. Jehovha “akavimbika mumabasa ake ose” sei?

9 Jehovha “akavimbika mumabasa ake ose.” (Pisarema 145:17, NW) Munzirai? Pisarema 136 rinopa mhinduro. Imomo mabasa aJehovha okuponesa anoverengeka anotaurwa, kusanganisira kununurwa kunoshamisa kwevaIsraeri paGungwa Dzvuku. Chokwadi, ndima imwe neimwe yepisarema iri, inopedziswa nemashoko okuti: “Nokuti ngoni [“mutsa une rudo,” NW, kana kuti kuvimbika] dzake dzinogara nokusingaperi.” Pisarema iri riripowo paMibvunzo Yokufungisisa iri papeji 289. Sezvaunoverenga ndima idzodzo, zvinongokushamisawo kuona nzira zhinji idzo Jehovha akaratidza nadzo mutsa une rudo kuvanhu vake. Hungu, Jehovha anoratidza kuvimbika kuvashumiri vake vakatendeka nokunzwa kuchema kwavo vachitsvaka kubatsirwa uye nokuita chiito panguva yakasarudzwa. (Pisarema 34:6) Rudo rwaJehovha rwakavimbika kuvashumiri vake haruzununguki chero bedzi vachiramba vakavimbika kwaari.

10. Jehovha anoratidza sei kuvimbika pamusoro pemitemo yake?

10 Uyewo, Jehovha anoratidza kuvimbika kuvashumiri vake nokuramba akavimbika kumitemo yake. Kusiyana nevamwe vanhu vanochinja vanongoita zvavafunga panguva iyoyo vachinzwira tsitsi, Jehovha haachinji-chinji mumaonero ake ezvakanaka nezvakaipa. Kwezviuru zvemakore, maonero aanoita zvinhu zvakadai sokuita zvemidzimu, kunamata zvifananidzo, nokuuraya haana kumbochinja. “Kusvikira makwegura, ndini iye,” akataura kudaro kuburikidza nomuprofita wake Isaya. (Isaya 46:4) Nokudaro, tinogona kuva nechivimbo chokuti tichabatsirwa nokutevera nhungamiro yetsika yakajeka inowanikwa muShoko raMwari.—Isaya 48:17-19.

11. Ipa mienzaniso inoratidza kuti Jehovha akatendeka kushoko rake raanenge apikira.

 11 Jehovha anoratidza kuvimbika nokuramba akatendeka pashoko rake raanenge apikira. Kana akafanotaura chimwe chinhu, chinoitika. Nokudaro Jehovha akataura kuti: “Ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendika pane zvandakaritumira.” (Isaya 55:11) Nokuramba akatendeka kushoko rake, Jehovha anoratidza kuvimbika kuvanhu vake. Haavasiyi vakamirira chimwe chinhu nemaziso matsvuku iye achiziva kuti haasi kuzochiunza. Mukurumbira waJehovha wakavimbika zvikuru panhau iyi zvokuti mushumiri wake Joshua aikwanisa kutaura kuti: “Hakuna chinhu chimwe chezvinhu zvakanaka zvakanga zvataurwa naJehovha kuimba yaIsraeri chakakona; zvose zvakaitika.” (Joshua 21:45) Saka, tinogona kuva nechivimbo chokuti hatizomboodzwi mwoyo pamusana pokukundikana kwaJehovha kuita zvaakapikira.—Isaya 49:23; VaRoma 5:5.

12, 13. Munzira dzipi umo mutsa une rudo waJehovha u“nogara nokusingaperi”?

12 Sezvambotaurwa kare, Bhaibheri rinotiudza kuti mutsa une rudo waJehovha u“nogara nokusingaperi.” (Pisarema 136:1) Izvi zvakadaro sei? Chokutanga, kukanganwira zvivi kwaJehovha kunogara nokusingaperi. Sezvinokurukurwa muChitsauko 26, Jehovha haamutsi patsva zvikanganiso zvekare izvo munhu akakanganwirwa. Sezvo “vanhu vose vakaita zvivi vakaperevedza pambiri yaMwari,” mumwe nomumwe wedu anofanira kufara kuti mutsa une rudo waJehovha unogara nokusingaperi.—VaRoma 3:23.

13 Asi mutsa une rudo waJehovha unogara nokusingaperi mune imwe pfungwa zvekare. Shoko rake rinotaura kuti wakarurama “uchafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, unobereka michero yawo nenguva yawo, mashizha awo haasvavi; chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika.” (Pisarema 1:3) Fungidzira muti uri kukura zvakanaka une mashizha asingazombosvavi! Ndizvowo kana tikafarira zvechokwadi Shoko raMwari, upenyu hwedu huchareba, huchava norugare, uye huchabereka  zvibereko. Zvikomborero izvo Jehovha anopa nokuvimbika kuvashumiri vake vakatendeka zvinogara nokusingaperi. Chokwadi, munyika itsva yakarurama iyo Jehovha achaunza, vanhu vanoteerera vachaona mutsa wake une rudo nokusingaperi.—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Jehovha “Haazosiyi Vakavimbika Vake”

14. Jehovha anoratidzira sei kuonga kuvimbika kwevashumiri vake?

14 Jehovha akaratidza kuvimbika kwake kakawanda. Sezvo Jehovha asingambochinji, kuvimbika kwaanoratidza kuvashumiri vake vakatendeka hakumboperi. Munyori wepisarema akanyora kuti: “Ndakanga ndiri muduku, zvino ndakwegura; kunyange zvakadaro handina kutongoona wakarurama achisiyiwa, kana vana vake vachipemha zvokudya. Nokuti Jehovha unoda zvakarurama, haasiyi vatsvene [“vakavimbika,” NW] vake.” (Pisarema 37:25, 28) Chokwadi, soMusiki, Jehovha akafanira kuti timunamate. (Zvakazarurwa 4:11) Kunyange zvakadaro, nokuti akavimbika, Jehovha anokoshesa zviito zvedu zvokutendeka.—Maraki 3:16, 17.

15. Tsanangura nzira iyo kubata kwaJehovha nevaIsraeri kunoratidza kuvimbika Kwake.

15 Mukuratidza mutsa wake une rudo, Jehovha anoramba achitsigira vanhu vake pavanenge vari mukutambura. Munyori wepisarema anotiudza kuti: “Iye unochengeta mweya yavatsvene [“yevakavimbika,” NW] vake; unovarwira paruoko rwowakaipa.” (Pisarema 97:10) Funga nezvokubata kwake norudzi rwaIsraeri. Pashure pokununurwa kwavo nenzira inoshamisa nomuGungwa Dzvuku, vaIsraeri vakaimbira Jehovha vachiti: “Makafambisa nenyasha [kana kuti “rudo rwakavimbika,” mashoko omuzasi, NW] dzenyu vanhu vamakadzikinura.” (Eksodho 15:13) Kununurwa paGungwa Dzvuku zvechokwadi chakanga chiri chiito chorudo rwakavimbika rwakaratidzwa naJehovha. Naizvozvo Mosesi akataurira vaIsraeri kuti: “Jehovha haana kukudai, kana kukutsaurai, nokuti makanga makapfuura dzimwe ndudzi nokuwanda; nokuti imi makanga muri vashoma kundudzi dzose. Asi nokuti Jehovha unokudai, uye  nokuti wakanga achida kusimbisa kupika kwaakapikira madzibaba enyu, nokuda kwaizvozvo Jehovha wakakubudisai nechanza chine simba, akakudzikinurai paimba youranda paruoko rwaFarao, mambo we[Ijipiti].”—Dheuteronomio 7:7, 8.

16, 17. (a) VaIsraeri vakaratidza kusaonga kunotyisa kwakadini, asi Jehovha akaratidza sei tsitsi kwavari? (b) VaIsraeri vazhinji vakaratidza sei kuti vakanga “vasichagoni kurapwa,” uye izvi zvinotipa muenzaniso wei wenyevero?

16 Chokwadi, sorudzi vaIsraeri vakatadza kuratidza kuonga mutsa une rudo waJehovha, nokuti pashure pokununurwa kwavo “vakaramba vachimutadzira [Jehovha], nokumukira Wokumusorosoro.” (Pisarema 78:17) Kwemazana emakore, vakapanduka vapandukazve, vachisiya Jehovha nokuenda kuna vanamwari venhema netsika dzechihedheni dzisina chadzakauyisa kunze kwokusvibisa. Kunyange zvakadaro, Jehovha haana kuputsa sungano yake. Pane kudaro, kuburikidza nomuprofita Jeremia, Jehovha akateterera vanhu vake achiti: “Dzokai, imi Israeri vokudzokera shure . . . handingakutaririyi ndakatsamwa, nokuti ndine nyasha.” (Jeremia 3:12) Zvisinei, sezvinotaurwa muChitsauko 25, vazhinji vevaIsraeri hazvina kupinda mumwoyo yavo. Zvechokwadi, “vakaseka nhume dzaMwari, vakazvidza mashoko ake, vakadadira vaprofita vake.” Zvikaguma nei? Pakupedzisira, “Jehovha akatsamwira vanhu vake, kusvikira vasichagoni kurapwa.”—2 Makoronike 36:15, 16.

17 Tinodzidzei pane izvi? Kuti kuvimbika kwaJehovha hakungotevedzeri zvose zvose, uye hakunyengedzwi nyore nyore. Chokwadi, Jehovha “uzere nenyasha,” uye anofarira kuratidza ngoni kana pane chikonzero chokuita kudaro. Asi chii chinoitika kana mutadzi akaratidza kuva akaipa zvisingagadzirisiki? Pakadaro, Jehovha anotevera mitemo yake yakarurama uye anopa mutongo wakakomba. Sezvakaudzwa Mosesi, Jehovha haa“pembedzi munhu une mhosva.”—Eksodho 34:6, 7.

18, 19. (a) Ko kuranga kwaJehovha vakaipa chiito chokuvimbika sei? (b) Jehovha acharatidza sei kuvimbika kwake kuvashumiri vake vakatambudzwa kusvikira vafa?

18 Kuranga kwaMwari vakaipa pachako chiito chokuvimbika.  Sei? Chimwe chinhu chinoratidza kudaro chiri mubhuku raZvakazarurwa mumirayiro iyo Jehovha anopa kungirozi nomwe achiti: “Endai mudururire pasi ndiro nomwe dzokutsamwa kwaMwari.” Apo ngirozi yechitatu inodurura ndiro yayo “munzizi nomuzvitubu zvemvura,” zvinova ropa. Ngirozi yacho inozoti kuna Jehovha: “Imi, Muripo uye makanga muripo, Makavimbika, makarurama, nokuti izvi ndizvo zvamatonga, nokuti ivo vakateura ropa revatsvene neravaprofita, uye mavapa ropa kuti vanwe. Vakafanirwa nazvo.”—Zvakazarurwa 16:1-6.

Jehovha achayeuka nokuvimbika omutsa vaya vakaratidza kuvimbika kusvika parufu

19 Checherechedza kuti nechepakati pokupa mashoko iwayo omutongo, ngirozi inotaura nezvaJehovha ichiti “Makavimbika.” Nei? Pamusana pokuti nokuparadza vakaipa, Jehovha ari kuratidza kuvimbika kuvashumiri vake, avo vazhinji vavo vakatambudzwa kusvikira vafa. Nokuvimbika, Jehovha anochengeta vakadaro vari vapenyu zvakajeka mundangariro yake. Anoshuva kuona zvakare ava vakatendeka vakaenda, uye Bhaibheri rinosimbisa kuti chinangwa chake ndechokuvakomborera nokuvamutsa. (Jobho 14:14, 15) Jehovha haakanganwi vashumiri vake vakavimbika nemhaka bedzi yokuti havachisiri  vapenyu. Pane kudaro, “vose vapenyu kwaari.” (Ruka 20:37, 38) Chinangwa chaJehovha chokudzosa kuupenyu avo vari mundangariro dzake uchapupu hwakasimba hwokuvimbika kwake.

Bernard Luimes (kuruboshwe) naWolfgang Kusserow (pakati) vakaurayiwa nevaNazi

Moses Nyamussua (kurudyi) akabayiwa nemapfumo neboka revezvematongerwe enyika akafa

Rudo rwaJehovha Rwakavimbika Runozarura Nzira Yoruponeso

20. “Midziyo yengoni” ndivanaani, uye Jehovha anoratidza sei kuvimbika kwavari?

20 Munhoroondo yose yevanhu, Jehovha akaratidza kuvimbika kunoshamisa kuvanhu vakatendeka. Chaizvo, kwezviuru zvemakore, Jehovha “akashivirira nemwoyo murefu zvikuru midziyo yokuitirwa hasha yakaitwa kuti ikodzere kuparadzwa.” Nei? “Kuti azivise pfuma yembiri yake pamidziyo yengoni, yaakafanogadzira nokuda kwembiri.” (VaRoma 9:22, 23) “Midziyo yengoni” iyi ndivo vanoda kururama vanozodzwa nomudzimu  mutsvene kuti vave vadyi venhaka pamwe naKristu muUmambo hwake. (Mateu 19:28) Nokuzarura nzira yoruponeso nokuda kwemidziyo yengoni iyi, Jehovha akaramba akavimbika kuna Abrahamu, waakanga aitira chipikirwa chesungano ichi: “Ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa muvana vako, zvawakateerera inzwi rangu.”—Genesi 22:18.

Pamusana pokuvimbika kwaJehovha, vashumiri vake vose vakatendeka vane tariro yakavimbika yomunguva yemberi

21. (a) Jehovha anoratidza sei kuvimbika ku“boka guru revanhu” vane tariro yokubuda mu“kutambudzika kukuru”? (b) Kuvimbika kwaJehovha kunokuita kuti unzwe kuda kuitei?

21 Jehovha anoratidza kuvimbika kwakadarowo ku“boka guru revanhu” vane tariro yokubuda mu“kutambudzika kukuru” uye yokurarama nokusingaperi muparadhiso pasi pano. (Zvakazarurwa 7:9, 10, 14) Kunyange zvazvo vashumiri vake vasina kukwana, Jehovha nokuvimbika anovapa mukana wokurarama nokusingaperi muparadhiso pasi pano. Anoita sei kudaro? Achishandisa rudzikinuro—kuratidzwa kwokuvimbika kwaJehovha kunopfuura kumwe kwose. (Johani 3:16; VaRoma 5:8) Kuvimbika kwaJehovha kunokwezva avo, mumwoyo mavo, vane nzara yokururama. (Jeremia 31:3) Haunzwi uri pedyo naJehovha here nokuda kwokuvimbika kwakadzama kwaakaratidza uye kwaacharatidza? Sezvo chiri chido chedu kuswedera pedyo naMwari, ngatiitei chimwe chinhu norudo rwake nokusimbisa kutsunga kwedu kumushumira nokuvimbika.

^ ndima 4 Sezvineiwo, shoko rakashandurwa kuti “kuvimbika” pana 2 Samueri 22:26, NW, kune dzimwe nzvimbo rakashandurwa kuti “mutsa une rudo” kana kuti “rudo rwakavimbika.”

Inzwa zvimwe

Nyatsokoshesa Unhu hwaJehovha

Zvinorevei kuva munhu anotaurika naye uye asingasaruri? Kuongorora muenzaniso waJehovha Mwari kuchatibatsira kuratidza unhu uhwu.