Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Swedera Pedyo naJehovha

 CHITSAUKO 29

“Kuti Muzive Rudo rwaKristu”

“Kuti Muzive Rudo rwaKristu”

1-3. (a) Chii chakaita kuti Jesu ade kufanana naBaba vake? (b) Zvii zviri murudo rwaJesu zvatichaongorora?

WATI wamboona kakomana kachiedza kutevedzera baba vako here? Mwanakomana wacho angatevedzera mafambiro, matauriro, kana kuti maitiro ababa vake. Nokufamba kwenguva mukomana wacho angatotorawo tsika dzinokosha dzababa vacho nemanamatiro. Hungu, rudo nokuyemura uko mwanakomana anonzwa nokuda kwababa vane rudo kunoita kuti mukomana wacho ade kufanana nababa vake.

2 Zvakadini noukama huri pakati paJesu naBaba vake vokudenga? “Ndinoda Baba,” Jesu akadaro pane imwe nhambo. (Johani 14:31) Hapana munhu angambogona kuda Jehovha kupfuura Mwanakomana uyu, uyo akanga ana Baba nguva refu zvimwe zvisikwa zvose zvisati zvavapo. Rudo irworwo rwakaita kuti Mwanakomana akazvipira uyu ade kufanana naBaba vake.—Johani 14:9.

3 Muzvitsauko zvokutanga zvebhuku rino, takakurukura nzira iyo Jesu akatevedzera nayo zvakakwana simba raJehovha, ruramisiro, nouchenjeri. Zvisinei, Jesu akaratidza sei rudo sorwaBaba vake? Ngationgororei zvinhu zvitatu zviri murudo rwaJesu—kuzvipira kwake, tsitsi dzake huru, uye kuda kwake kukanganwira.

“Hapana Ane Rudo Rukuru Kune Urwu”

4. Jesu somunhu akaratidza sei muenzaniso mukuru pane yose worudo rwokuzvipira?

4 Jesu akaratidza muenzaniso mukuru worudo rwokuzvipira. Kuzvipira kunosanganisira kutungamidza zvinodiwa uye zvinofungwa nevamwe pamberi pezvedu pasina udyire. Jesu akaratidza sei rudo rwakadaro? Iye pachake akatsanangura kuti: “Hapana ane rudo rukuru kune urwu, kuti mumwe munhu ape  mweya wake nokuda kweshamwari dzake.” (Johani 15:13) Jesu nokuzvidira akapa upenyu hwake hwakakwana nokuda kwedu. Kwakanga kuri kuratidzwa kworudo kukuru pane kwose kwati kwamboitwa nomunhu upi noupi. Asi Jesu akaratidza rudo rwokuzvipira nedzimwe nzira zvekare.

5. Nei kubva kumatenga kwakanga kuri kuzvipira kworudo kwakaitwa noMwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga?

5 Asati ava munhu wenyama, Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga akanga ane nzvimbo yakasiyana nedzevamwe uye yakakwidziridzwa kudenga. Akashamwaridzana naJehovha nezvisikwa zvomudzimu zvakawanda kwazvo. Pasinei nezvose zvakanga zvakamunakira izvi, Mwanakomana anodiwa wacho “akazvidurura akava somuranda ndokuva akafanana nevanhu.” (VaFiripi 2:7) Akauya nokuzvidira kuzogara pakati pevanhu vanotadza munyika “iri musimba rewakaipa.” (1 Johani 5:19) Ikoko kwakanga kusiri kuzvipira kworudo here kwakaitwa noMwanakomana waMwari?

6, 7. (a) Munzirai umo Jesu akaratidza rudo rwokuzvipira mukati moushumiri hwake hwepasi pano? (b) Muenzanisoi unosvika pamwoyo worudo rusina udyire wakanyorwa pana Johani 19:25-27?

6 Muushumiri hwake hwose hwepasi pano, Jesu akaratidza rudo rwokuzvipira munzira dzakasiyana-siyana. Akanga asina udyire zvachose. Akanga akabatikana muushumiri hwake zvokuti akarega zvinhu zvokuzvifadza zvinowanzoitwa nevanhu. “Makava ane maguru uye shiri dzedenga dzine pokugara,” akadaro, “asi Mwanakomana womunhu haana pokuisa musoro wake.” (Mateu 8:20) Sezvo aiva nyanzvi yokuveza, Jesu aigona kudai akambotora imwe nguva yokuti azvivakire imba yakanaka kana kuti kugadzira fenicha yakanaka yokutengesa zvokuti aizova nemari yokuwedzera. Asi haana kushandisa unyanzvi hwake kuwana zvinhu zvenyama.

7 Muenzaniso unosvika pamwoyo zvechokwadi worudo rwaJesu rwokuzvipira wakanyorwa pana Johani 19:25-27. Fungidzira zvinhu zvakawanda zvinofanira kunge zvakanga zviri mupfungwa dzaJesu nomumwoyo wake pamasikati okufa kwake. Sezvaaitambura ari padanda, akanga achinetseka pamusoro  pevadzidzi vake, basa rokuparidza, uye kunyanya kuvimbika kwake uye kuti kwaizopa zita raBaba vake chimiro chakadini? Chaizvo, nguva yose yemberi yevanhu yakanga iri pamapfudzi ake! Asi, nguva pfupi asati afa, Jesu akaratidzawo kuva nehanya naamai vake, Mariya, avo vangangodaro vakanga vava chirikadzi panguva iyoyo. Jesu akakumbira muapostora Johani kuti atarisire Mariya sokunge akanga ari amai vaJohani pachake, uye muapostora wacho pashure paizvozvo akatora Mariya akaenda naye kumba kwake. Nokudaro Jesu akaronga kuti amai vake vatarisirwe muzvinhu zvomudzimu nezvokurarama nazvo. Kuratidzwa kworudo rusina udyire kwakakura kwazvo!

“Akasiririswa”

8. Shoko rechiGiriki iro Bhaibheri rinoshandisa kurondedzera tsitsi dzaJesu rinorevei?

8 Kufanana naBaba vake, Jesu aiva netsitsi. Magwaro anorondedzera Jesu somunhu aitsvaka vaya vaitambura nemhaka yokuti ainzwa tsitsi zvikuru. Kurondedzera tsitsi dzaJesu, Bhaibheri rinoshandisa shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “akasiririswa.” Imwe nyanzvi inoti: “Rinorondedzera . . . manzwiro omunhu anobva pasi pomwoyo wake. Ndiro shoko rakasimba pane ose muchiGiriki rinotaura nezvokunzwira tsitsi.” Funga nezvemamwe mamiriro ezvinhu ayo Jesu akasiririswa zvokunzwa kuda kuita chimwe chinhu.

9, 10. (a) Mamiriroi ezvinhu akaita kuti Jesu nevaapostora vake vatsvake nzvimbo yakanyarara? (b) Paakapfuviswa kuzorora neboka revanhu achida kumbova oga, Jesu akaita sei uye nei?

9 Akanzwa kuda kuita chimwe chinhu nokuda kwezvinodiwa mumudzimu. Nhoroondo iri pana Mako 6:30-34 inoratidza zvainyanya kuita kuti Jesu aratidze tsitsi dzake. Fungidzira zvakaitika. Vaapostora vakanga vachifara, nokuti vakanga vachangopedza rwendo rukuru rwokuparidza. Vakadzoka kuna Jesu ndokurondedzera nomufaro zvose zvavakanga vaona nokunzwa. Asi boka guru rakaungana, richisiya Jesu nevaapostora vake vasina nguva kana yokudya hayo. Nokucherechedza kwake nguva dzose, Jesu akaona kuti vaapostora vakanga vaneta. Akavaudza kuti, “uyai, imi, muri moga kunzvimbo isina vanhu  muzorore zvishoma.” Vakakwira chikepe, havo-o voenda nechokumusoro kweGungwa reGarireya kunzvimbo yakanyarara. Asi boka racho rakavaona vachienda. Vamwe vakazvinzwawo. Vose ava vakamhanya vachitevedza mhenderekedzo yakadziva kumusoro ndokutangira chikepe kusvika!

10 Jesu akagumbuka here nokuti kuzorora kwaaida kuita kunzvimbo yakanyarara kwakapfuviswa? Nyangwe! Zvakamusvika pamwoyo kuona boka iri, raisvika zviuru, rakanga rakamumirira. Mako akanyora kuti: “Akaona boka guru revanhu, asi akasiririswa navo, nokuti vakanga vakaita semakwai asina mufudzi. Zvino akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvakawanda.” Jesu aiona vanhu ava sevanhu vaida zvinhu zvomudzimu. Vakanga vachiita semakwai arasika asina dziviriro, asina mufudzi wokuti aatungamirire kana kuadzivirira. Jesu aiziva kuti vanhuwo zvavo vairegeredzwa nevatungamiriri vechitendero vakanga vasina tsitsi, avo vaifanira kuva vafudzi vanotarisira. (Johani 7:47-49) Akanzwira vanhu ivavo tsitsi, naizvozvo akatanga kuvadzidzisa “nezvoumambo hwaMwari.” (Ruka 9:11) Cherechedza kuti Jesu akasiririswa nevanhu kunyange asati aona kuti vaizoita sei nezvaaizovadzidzisa. Nemamwe mashoko, tsitsi huru dzakanga dzisiri mugumisiro wokudzidzisa kwake boka racho, asi ndidzo dzakamutuma kuita kudaro.

“Akatambanudza ruoko rwake akamubata”

11, 12. (a) Vaiva nemaperembudzi vaionekwa sei munguva inotaurwa muBhaibheri, asi Jesu akaita sei paakavingwa nomumwe murume akanga “azere nemaperembudzi”? (b) Kubata kwaJesu kungave kwakaita kuti aiva nemaperembudzi anzwe sei, uye zvakaitika kune mumwe chiremba zvinoratidza sei izvi?

11 Akanzwa achida kusunungura pakutambura. Vanhu vaiva nezvirwere zvakasiyana-siyana vakaona kuti Jesu aiva netsitsi, naizvozvo vakanzwa vachiswededzwa pedyo naye. Izvi zvakanyanya kuoneka apo Jesu, nemapoka aimutevera, akavingwa nomumwe murume “akanga azere nemaperembudzi.” (Ruka 5:12) Munguva dzinotaurwa muBhaibheri, vaiva nemaperembudzi vaigariswa kwavo vega kuitira kudzivirira vamwe pakutapukirwa. (Numeri 5:1-4) Zvisinei, nokufamba kwenguva, vatungamiriri vechirabhi vakapinza maonero asina tsitsi emaperembudzi uye vakaisa mitemo yavo pachavo  yaidzvinyirira. * Kunyange zvakadaro, cherechedza kuti Jesu akapindura sei aiva nemaperembudzi: “Mumwe munhu aiva nemaperembudzi akauyawo kwaari, achimuteterera akatopfugama, achiti kwaari: ‘Kana muchida henyu, munogona kundiita kuti ndichene.’ Ipapo akasiririswa, uye akatambanudza ruoko rwake akamubata, akati kwaari: ‘Ndinoda. Cheneswa.’ Uye maperembudzi akabva angobva paari, akabva achena.” (Mako 1:40-42) Jesu aiziva kuti zvakanga zviri kunze kwomutemo kunyange kuti munhu ane maperembudzi avepo. Asi, pane kumudzinga, Jesu akasiririswa zvokuti akaita chimwe chinhu chisingafungidziriki. Jesu akamubata!

12 Unogona kufungidzira here kuti kubatwa ikoko kwakarevei kune aiva nemaperembudzi iyeye? Kupa muenzaniso, funga nezveimwe nyaya yakaitika. Chiremba anonzi Paul Brand, mazvikokota wemaperembudzi, anotaura nezvomumwe aiva nawo waakarapa muIndia. Munguva yokumuongorora, chiremba wacho akaisa ruoko rwake papfudzi rake ndokutsanangura achiturikirwa, marapirwo aizofanira kuitwa murume wacho. Pakarepo, aiva nemaperembudzi wacho akatanga kuchema. Chiremba wacho akabvunza kuti: “Pane chandataura chisina kunaka here?” Muturikiri wacho akabvunza murume wechiduku uya nomutauro wake ndokupindura kuti: “Kwete, chiremba. Anoti ari kuchema nokuti maisa ruoko rwenyu papfudzi rake. Kusvika auya pano hapana munhu anga ambomubata kwemakore akawanda.” Kune aiva nemaperembudzi akauya kuna Jesu, kubatwa kwaitoreva zvakakura. Pashure pokubatwa ikoko, chirwere chakanga chamuita musemwa chakanga chaenda!

13, 14. (a) Jesu akasangana nomudungwe wei paakanga ava kusvika muguta reNaini, uye chii chakaita kuti aya ave mamiriro ezvinhu aisiririsa zvikuru? (b) Tsitsi dzaJesu dzakamuita kuti aitire chirikadzi yeNaini chii?

 13 Akanzwa kuda kubvisa kutambura. Jesu akasiririswa zvikuru nokutambura kwevamwe. Somuenzaniso, funga nezvenhoroondo iri pana Ruka 7:11-15. Zvakaitika apo Jesu akanga ava panenge pakati poushumiri hwake, paakasvika kumucheto kweguta reNaini romuGarireya. Jesu sezvaakaswedera pedyo nesuo reguta racho, akasangana nomudungwe wemariro. Zvakanga zvaitika zvaisiririsa zvikuru. Rimwe jaya rakanga richingova mwanakomana oga rakanga rafa, uye amai vacho vakanga vari chirikadzi. Pane imwe nguva, pamwe vakanga vambova mumudungwe wakadai zvakare, wemariro omurume wavo. Panguva ino akanga ari mwanakomana wavo, uye pamwe akanga ari iye muriritiri wavo bedzi. Boka rakanga richivaperekedza ringave raiva nevamwe vachemi vaiimba vachihwihwidza nevaimbi vairidza nziyo dzemariro. (Jeremia 9:17, 18; Mateu 9:23) Zvisinei, Jesu akaramba akangoti ndee kuna amai vakanga varohwa nenhamo, sezviri pachena vachitofamba pedyo nehwanyanza hwakanga hwakatakura mutumbi womwanakomana wavo.

14 Jesu “akasiririswa” naamai vakanga vafirwa. Nemashoko anokurudzira, akati kwavari: “Musachema.” Asina kukumbirwa, akasvika akabata hwanyanza hwacho. Vakanga vakatakura—uye zvichida nerimwe boka rose—vakamira. Nenzwi rechiremera, Jesu akataura nechitunha achiti: “Jaya, ndinoti kwauri, Muka!” Zvadaro, chii chakabva chaitika? “Munhu wacho akanga akafa akagara akatanga kutaura” sokunge akanga amutswa ari kutsi kwehope! Zvadaro kwozouya mashoko anosvika pamwoyo okuti: “Uye [Jesu] akamupa kuna amai vake.”

15. (a) Nhoroondo dzeBhaibheri pamusoro pokusiririswa kwaJesu dzinoratidza kuwirirana kupi kuri pakati petsitsi nechiito? (b) Tingatevedzera sei Jesu panhau iyi?

15 Tinodzidzei munhoroondo idzi? Muchiitiko chimwe nechimwe, ona kubatana kwetsitsi nechiito. Jesu aisagona kuona nhamo yevamwe asingasiririswi, uye aisagona kunzwa tsitsi dzakadaro pasina chaanoita nazvo. Tingatevera sei muenzaniso  wake? SevaKristu, tine basa rokuparidza mashoko akanaka nokuita vadzidzi. Zvikurukuru kuda Mwari ndiko kunotituma kudaro. Zvisinei, ngatiyeukei kuti iriwo ibasa retsitsi. Patinonzwira vanhu tsitsi sezvaiita Jesu, mwoyo yedu ichatituma kuita zvose zvatingagona kuti tivape mashoko akanaka. (Mateu 22:37-39) Zvakadini nokuratidza tsitsi kuhama dzedu dzatinonamata nadzo dziri kutambura kana kuti kurwadziwa? Hatigoni kuita zvishamiso zvokurapa zvirwere kana kuti kumutsa vakafa. Zvisinei, tinogona kuratidza tsitsi nezviito nokutanga kuratidza kuva nehanya kwedu kana kuti kubatsira nenzira yakakodzera.—VaEfeso 4:32.

“Baba, Vakanganwirei”

16. Kuda kwaJesu kukanganwira kwakaratidzwa sei kunyange paakanga ari padanda rokutambudzira?

16 Jesu akatevedzera rudo rwaBaba vake zvakakwana neimwe nzira inokosha—akanga “akagadzirira kukanganwira.” (Pisarema 86:5, NW) Chido ichi chakaonekwa kunyange paakanga ari padanda rokutambudzira. Paakanga achimanikidzwa kufa rufu runonyadzisa, zvipikiri zvichiboora maoko ake netsoka, Jesu akataura nezvechii? Akakumbira Jehovha kuti arange vaurayi vake here? Pane kudaro, pakati pemashoko aJesu okupedzisira paive nookuti: “Baba, vakanganwirei, nokuti havazivi zvavari kuita.”—Ruka 23:34. *

17-19. Munzira dzipi idzo Jesu akaratidza nadzo kuti akakanganwira muapostora Petro kumuramba kwaakanga aita katatu?

17 Zvimwe muenzaniso unotosvika pamwoyo zvikuru wokukanganwira  kwaJesu unogona kuonekwa munzira iyo akabata nayo nomuapostora Petro. Hapana mubvunzo kuti Petro aida Jesu nomwoyo wose. Musi waNisani 14, usiku hwokupedzisira hwaJesu, Petro akamuudza kuti: “Ishe, ndakagadzirira kuenda nemi mujeri nomurufu.” Asi, maawa mashomanana gare gare, katatu, Petro akaramba kunyange kuti aiziva Jesu! Bhaibheri rinotiudza zvakaitika apo Petro akanga ava kuramba kechitatu: “Ishe akatendeuka akatarisa Petro.” Akurirwa nokukomba kwechivi chake, Petro “akabuda panze akachema zvikuru.” Jesu paakazofa zuva iroro, muapostora wacho zvingave zvakamunetsa kuti, ‘Ishe wangu andikanganwira here?’—Ruka 22:33, 61, 62.

18 Petro haana kuzomirira nguva yakareba kuti awane mhinduro. Jesu akamutswa mangwanani aNisani 16, uye sezviri pachena zuva rimwe chete iroro, akashanyira Petro iye pachake. (Ruka 24:34; 1 VaKorinde 15:4-8) Nei Jesu akanyatsofunga nezvomuapostora akanga amuramba zvakasimba kudaro? Jesu angave akada kusimbisa Petro aipfidza kuti akanga achiri kudiwa nokukosheswa naIshe wake. Asi Jesu akaita zvakatowanda kusimbisa Petro.

19 Imwe nguva gare gare, Jesu akazviratidza kuvadzidzi paGungwa reGarireya. Pachiitiko ichi, Jesu akabvunza Petro katatu (uyo akanga aramba Ishe wake katatu) kuti Petro aimuda here. Abvunzwa kechitatu, Petro akapindura kuti: “Ishe, munoziva zvinhu zvose; munoziva kuti ndinokudai kwazvo.” Chokwadi, Jesu, uyo aigona kuziva zviri mumwoyo, akanga achinyatsoziva nezvorudo rwaPetro kwaari. Asi, Jesu akapa Petro mukana wokusimbisa rudo rwake. Kupfuura ipapo, Jesu akapa Petro basa roku“dyisa” noku“fudza makwai” Ake “maduku.” (Johani 21:15-17) Pakutanga, Petro akanga ambopiwa basa rokuparidza. (Ruka 5:10) Asi zvino, mukuratidza kuvimba naye kunoshamisa, Jesu akamupa rimwe basa guru—kutarisira avo vaizova vateveri vaKristu. Nguva pfupi pashure peizvi, Jesu akapa Petro basa rinokosha mubasa revadzidzi. (Mabasa 2:1-41) Petro  anofanira kuva akazorodzwa zvikuru kuziva kuti Jesu akanga amukanganwira uye akanga achiri kuvimba naye!

Unoziva “Rudo rwaKristu” Here?

20, 21. Tingasvika sei ‘pakuziva rudo rwaKristu’ zvizere?

20 Chokwadi, Shoko raJehovha rinorondedzera zvinonwisa mvura rudo rwaKristu. Zvisinei, tinofanira kuita sei norudo rwaJesu? Bhaibheri rinotikurudzira richiti, “muzive rudo rwaKristu runopfuura zivo.” (VaEfeso 3:19) Sezvataona, nhoroondo dzeEvhangeri dzoupenyu hwaJesu noushumiri dzinotidzidzisa zvakawanda nezvorudo rwaKristu. Zvisinei, kuti tisvike pakuti ti“zive rudo rwaKristu” zvinodiwa zvinopfuura kudzidza zvinotaurwa neBhaibheri nezvake.

21 Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “muzive” rinoreva kuziva “kushanda kwechinhu nokuchishandisa.” Patinoratidza rudo munzira iyo Jesu akaita nayo—tichizvipira pasina udyire kubatsira vamwe, netsitsi tichiita chimwe chinhu pane zvavanoda, tichivakanganwira zvichibva pamwoyo yedu—ipapo tinogona kunzwisisa manzwiro ake zvechokwadi. Nenzira iyi, nokushandisa tinosvika ‘pakuziva rudo rwaKristu runopfuura zivo.’ Uye ngatirege kumbofa takakanganwa kuti kuwedzera kwatinoita kufanana naKristu, ndiko kuswedera pedyo kwatinoita neuyo Jesu aitevedzera zvakakwana, Mwari wedu ane rudo, Jehovha.

^ ndima 11 Mitemo yavanarabhi yaiti hapana munhu aibvumirwa kuva pedyo nomunhu ane maperembudzi nemamita anenge 1,8. Asi kana kwaiva nemhepo, ane maperembudzi aifanira kugarira kure nemamita 45. Midrash Rabbah inotaura nezvomumwe rabhi akavanda vaiva nemaperembudzi uye nezvomumwe akavapotsera nematombo kuti varambe vari kure. Naizvozvo vaiva nemaperembudzi vaiziva marwadzo okurambwa nemanzwiro okuzvidzwa nokusadiwa.

^ ndima 16 Chikamu chokutanga chaRuka 23:34 chinosiyiwa mune mamwe magwaro ekare. Zvisinei nemhaka yokuti mashoko aya anowanikwa mune mamwe magwaro akare akavimbika akawanda, akaiswa muShanduro yeNyika Itsva nedzimwe shanduro dzeBhaibheri dzakawanda. Jesu sezviri pachena akanga ari kutaura nezvemauto eRoma akamurovera. Vakanga vasingazivi zvavakanga vari kuita, vasingazivi kuti Jesu akanga ari ani chaizvo. Chokwadi, vatungamiriri vechitendero vakaronga kuuraya ikoko vaiva nemhosva kuvapfuura nokure, nokuti vakaita vachiziva uye noruvengo. Kuvazhinji vavo, hapana kukanganwira kwaigona kuitwa.—Johani 11:45-53.

Inzwa zvimwe

Zvatingaita Kuti Tirambe Tichizvipira

Pane chinogona kukanganisa kuzvipira kwedu tisingazvioni. Nyaya ino ichatibatsira kuona kuti chinhu ichocho chii uye kuti tingashandisa sei Bhaibheri kuti tichikurire.