Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Swedera Pedyo naJehovha

 CHITSAUKO 1

“Tarirai, Uyu Ndiye Mwari Wedu”

“Tarirai, Uyu Ndiye Mwari Wedu”

1, 2. (a) Mibvunzoi yaungada kubvunza Mwari? (b) Mosesi akabvunza Mwari kuti chii?

UNGAFUNGIDZIRA uchitaurirana naMwari here? Kungozvifunga kunotyisa—Changamire wezvakasikwa zvose achitaura newe! Unombozeza pakutanga, asi wozogona kupindura. Anoteerera, anopindura, uye anotokuita kuti unzwe wakasununguka kubvunza chero mubvunzo waunoda. Zvino waizobvunza mubvunzo wokuti chii?

2 Kare kare, kwakanga kune mumwe munhu akasangana nezvakadai chaizvo. Zita rake ainzi Mosesi. Zvisinei, mubvunzo waakasarudza kubvunza Mwari pamwe ungakushamisa. Haana kubvunza nezvake pachake, nguva yake yemberi, kana kuti kunyange kutambura kwevanhu vose. Asi, akabvunza zita raMwari. Ungangoona sokuti izvi zvinoshamisa nokuti Mosesi aitoziva zita raMwari. Saka mubvunzo wake unofanira kuva wakanga une zvawaireva zvakadzama. Kutaura zvazviri, ndiwo mubvunzo unokoshesesa uyo Mosesi angadai akabvunza. Mhinduro yacho inobatanidza isu tose. Inogona kukubatsira kuita nhano inokosha kuti uswedere pedyo naMwari. Sei? Ngatimbotarisa nhaurirano iyoyo inoshamisa.

3, 4. Chii chakatanga kuitika Mosesi asati ataura naMwari, uye ndeipi yakanga iri pfungwa yezvavakataurirana?

3 Mosesi akanga ava nemakore 80. Akanga apedza makore makumi mana akaparadzaniswa nevanhu vokwake, vaIsraeri, avo vakanga vari varanda muIjipiti. Rimwe zuva, achifudza makwai avatezvara vake, akaona chinhu chinoshamisa. Gwenzi romunzwa rakanga richipfuta, asi rakanga risiri kutsva. Rakaramba richingopfuta, richibhebha kwazvo. Mosesi akaswedera pedyo kuti aone. Anofanira kuva akavhunduka chaizvo paakanzwa inzwi richibva pakati pemoto! Achishandisa ngirozi somuromo wake, Mwari akataura naMosesi kwenguva refu. Uye sezvaungangodaro uchiziva, Mwari  akabva atuma Mosesi achiti asiye upenyu hwake hworugare adzokere kuIjipiti kunonunura vaIsraeri vakanga vari varanda, asi akanga achizeza.—Eksodho 3:1-12.

4 Zvino pano Mosesi angadai akabvunza Mwari chero mubvunzo. Zvisinei, cherechedza mubvunzo waakasarudza kubvunza: “Tarirai, kana ndikasvika kuvana vaIsraeri, ndikati kwavari: Mwari wamadzibaba enyu wakandituma kwamuri, ivo vakati kwandiri: Ko zita rake ndiani? Ndichatii kwavari?”—Eksodho 3:13.

5, 6. (a) Mubvunzo waMosesi unotidzidzisa chokwadi chipi chakajeka uye chinokosha? (b) Imhaka ipi yakakomba yakaitwa kuzita raMwari? (c) Nei zvichikosha kwazvo kuti Mwari akazivisa zita rake kuvanhu?

5 Chokutanga, mubvunzo iwoyo unotidzidzisa kuti Mwari ane zita. Hatifaniri kurerutsa chokwadi chakajeka ichi. Asi vazhinji ndizvo zvavanoita. Zita raMwari rakabviswa mushanduro zhinji dzeBhaibheri rikatsiviwa nemashoko okungoremekedza akadai sa“Ishe” uye “Mwari.” Ichi ndechimwe chinhu chinosiririsa zvikuru uye mhaka yakakomba yakaitwa muzita rechitendero. Ndozvazviri, nokuti chii chaunotanga kuita ukasangana nomumwe munhu? Haubvunzi zita rake here? Zvakangofanana nokuziva Mwari. Haasi chinhu chisina zita chiri kure, chisingagoni kuzivikanwa kana kuti kunzwisisika. Kunyange zvazvo asingaoneki, iye munhu, uye ane zita—Jehovha.

6 Uyezve, Mwari paanozivisa zita rake, chimwe chinhu chikuru uye chinofadza chinenge choda kuitika. Ari kutikurudzira kuti tisvike pakumuziva. Anoda kuti tiite chisarudzo chakanakisisa chatingaita muupenyu—kuswedera pedyo naye. Asi Jehovha haana kungotiudza zita rake chete. Akatidzidzisawo nezvemunhu warinomirira.

Zvinoreva Zita raMwari

7. (a) Zita raMwari rinonzwisiswa seshoko rinorevei? (b) Mosesi akanga achida kuziva chii chaizvo paakabvunza Mwari zita Rake?

7 Jehovha akazvisarudzira zita rake, zita rinoreva zvinokosha. Zita rokuti “Jehovha” rinonzwisiswa seshoko rinoreva  kuti “Anoita Kuti Zvive Sezvaanoda.” Pazvinhu zvose zviripo, hapana chakafanana naye, nokuti ndiye akaita kuti zvinhu zvose zvivepo, uye anoita kuti zvinangwa zvake zvose zvizadzike. Iyoyo ipfungwa inoshamisa. Asi pane zvimwe here zvatingadzidza nezvaMwari kubva pane zvinorehwa nezita rake? Mosesi sezviri pachena aida kudzidza zvakawanda. Unoonaka, aiziva kuti Jehovha ndiye Musiki, uye aiziva zita raMwari. Zita raMwari iri rainge risiri idzva. Vanhu vakanga varishandisa kwemazana emakore. Chaizvoizvo, pakubvunza zita raMwari, Mosesi akanga ari kubvunza nezvomunhu anomirirwa nezita racho. Nokudaro akanga achiti: ‘Chii chandingaudza vanhu venyu vaIsraeri nezvenyu chichavaka kutenda kwavo mamuri, chichavapa chivimbo chokuti muchavanunura zvechokwadi?’

8, 9. (a) Jehovha akapindura sei mubvunzo waMosesi, uye mashandurirwo anowanzoitwa mhinduro Yake akaipa papi? (b) Mashoko okuti “Ndichava iye wandichava” anorevei?

8 Achipindura, Jehovha akabudisa pachena chimwe chinhu chinofadza paunhu hwake, chine chokuita nezvinorehwa nezita rake. Akati kuna Mosesi: “Ndichava iye wandichava.” (Eksodho 3:14) MaBhaibheri mazhinji pano anoti: “Ndiri zvandiri.” Asi shanduro dzakaitwa nokungwarira dzinoratidza kuti Mwari akanga asiri kungosimbisa kuvapo kwake chete. Asi, Jehovha akanga achidzidzisa Mosesi—nesuwo tose—kuti ‘aizova,’ kana kuti aizosarudza kuva, chero chaidiwa kuitira kuti azadzise zvipikirwa zvake. Shanduro yaJ. B. Rotherham inoshandura ndima iyi zvakananga ichiti: “Ndichava chero chandinoda kuva.” Rimwe bhuku rechiHebheru chomuBhaibheri rinotsanangura mashoko acho nenzira iyi: “Chero mamiriro ezvinhu kana kuti zvinodiwa . . . , Mwari acha‘va’ zvinenge zvichidiwa zvacho.”

9 Izvozvo zvairevei kuvaIsraeri? Pasinei nemhinganidzo dzaimuka mberi kwavo, uye pasinei nokuti chipingamupinyi chavangadai vaisangana nacho chakanga chakaoma sei, Jehovha aizova chero chaidiwa kuti avanunure muuranda  ovapinza muNyika Yakapikirwa. Chokwadi zita iroro rakaita kuti vavimbe naMwari. Rinogona kuitawo izvozvo kwatiri nhasi. (Pisarema 9:10) Nei?

10, 11. Zita raJehovha rinotikurudzira sei kufunga nezvake seanokwanisa kuita zvinhu zvizhinji kwazvo uye Baba vakanakisisa vatingafungidzira? Ipa muenzaniso.

10 Somuenzaniso: Vabereki vanoziva kuti vanofanira kuchinja zvakadini pakutarisira vana vavo. Muswere wezuva mumwe, mubereki angaona zvichida kuti ashande somurapi, mubiki, mudzidzisi, murangi, mutongi, nezvimwe zvakawanda. Vazhinji vanonzwa kukurirwa nemabasa akasiyana-siyana avanotarisirwa kuita. Vanoshamiswa nokuvimbwa nomwoyo wose kwavanoitwa nevana vavo vaduku, avo vane chivimbo chakazara chokuti Baba kana kuti Amai vanogona kunyaradza marwadzo, kugadzirisa kusawirirana kwose, kugadzira matoyi ose anofa, uye kupindura mibvunzo yose inomuka mupfungwa dzavo dzisingapererwi nezvokubvunza. Vamwe vabereki vanoninipiswa uye panguva nenguva vanogumburwa nezvavasingakwanisi kuita. Vanonzwa vachikundikana zvinonzwisa urombo kuti vaite mazhinji emabasa aya.

11 Jehovhawo mubereki ane rudo. Asi, asingaputsi mitemo yake yakakwana, hapana chaasingagoni kuva kuitira kuti atarisire vana vake vepasi pano munzira yakanakisisa inobvira. Naizvozvo zita rake, Jehovha, rinotikurudzira kuti tifunge nezvake saBaba vakanakisisa vatingafungidzira. (Jakobho 1:17) Mosesi nevamwe vaIsraeri vose vakatendeka vakadzidza munguva pfupi kuti Jehovha anorarama maererano nezita rake. Vakangoyeva vachishamiswa sezvaaizviita kuti ave Mukuru weMauto asingakundiki, Mudzori wemamiriro ose okunze, Mupi womutemo asingaenzaniswi, Mutongi, Murongi wezvivako, Mugoveri wezvokudya nemvura, Muchengetedzi wenhumbi neshangu—nezvimwe.

12. Mafungiro aFarao pamusoro paJehovha akanga akasiyana sei neaMosesi?

12 Naizvozvo Mwari akaita kuti zita rake rizivikanwe, akabudisa  pachena zvinhu zvinofadza nezvemunhu anomiririrwa nezita iroro, uye akatoratidza kuti zvaanotaura nezvake ndezvechokwadi. Pasina mubvunzo, Mwari anoda kuti timuzive. Isu tinotii? Mosesi akanga achida kuziva Mwari. Chido chikuru ichocho chakachinja upenyu hwose hwaMosesi ndokumuita kuti aswedere pedyo pedyo naBaba vake vokudenga. (Numeri 12:6-8; VaHebheru 11:27) Zvinosiririsa kuti vashomanana chete vomuzuva raMosesi ndivo vaivawo nechido ichocho. Mosesi paakataura zita raJehovha kuna Farao, mambo weIjipiti aizvikudza iyeye akati: “Jehovha ndiye aniko?” (Eksodho 5:2) Farao akanga asingadi kudzidza zvakawanda nezvaJehovha. Asi, akaramba Mwari waIsraeri achimuzvidza achiti haana basa uye haakoshi. Maonero akadaro akapararira zvikuru nhasi. Anopofumadza vanhu kuti vasaona chimwe chokwadi chinokosha kwazvo—Jehovha ndiye Changamire Ishe.

Changamire Ishe Jehovha

13, 14. (a) Nei Jehovha achipiwa mazita okuremekedza akawanda muBhaibheri, uye mamwe acho ndeapi? (Ona bhokisi rakanzi “ Mamwe Mazita aJehovha Okuremekedza.”) (b) Nei Jehovha oga akakodzerwa nokunzi “Changamire Ishe”?

13 Jehovha anokwanisa kuita zvinhu zvizhinji kwazvo zvokuti zvakakodzera kuti ave nemazita akawanda okuremekedza muMagwaro. Iwayo haakwikwidzani nezita rake chairo; asi, anotidzidzisa zvakawanda pamusoro pokuti zita rake rinomirirei. Somuenzaniso, anonzi “Changamire Ishe Jehovha.” (2 Samueri 7:22, NW) Zita rokuremekedza rakakwirira iroro, iro rinoonekwa muBhaibheri pamazana nemazana enzvimbo, rinotiudza nzvimbo yaJehovha. Iye bedzi ane kodzero yokuva Mutongi wezvakasikwa zvose. Ona kuti nei.

14 Zvaari Musiki, Jehovha akasiyana nevamwe vose. Zvakazarurwa 4:11 inoti: “Makafanirwa, Jehovha, imi Mwari wedu, kuti mugamuchire mbiri nokukudzwa nesimba, nokuti makasika zvinhu zvose, uye nemhaka yokuda kwenyu zvakavapo uye zvakasikwa.” Mashoko oukuru aya haashandi kune  mumwe munhu. Zvinhu zvose zvakasikwa naJehovha! Pasina mubvunzo, Jehovha akakodzerwa nokukudzwa, simba, uye mbiri zvinouya nemhaka yokuva kwake Changamire Ishe uye Musiki wezvinhu zvose.

15. Nei Jehovha achinzi “Mambo asingagumi”?

15 Rimwe zita rokuremekedza rinoshandiswa kuna Jehovha bedzi ndi“Mambo asingagumi.” (1 Timoti 1:17; Zvakazarurwa 15:3) Izvi zvinorevei? Zvakaomera pfungwa dzedu dzine padzinogumira kuti dzizvinzwisise, asi Jehovha haana mavambo uye haana magumo. Pisarema 90:2 rinoti: “Kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi imi muri Mwari.” Naizvozvo Jehovha haana kumbova nemavambo; akangogara ariko. Nenzira yakakodzera anonzi “Akakwegura pamazuva”—akagara ariko nokusingaperi pasati pava nomunhu kana kuti chimwe chinhu pane zviripo zvose! (Dhanieri 7:9, 13, 22) Ndiani angapikisa zvinonzwika kodzero yake yokuva Changamire Ishe?

16, 17. (a) Nei tisingagoni kuona Jehovha, uye nei izvozvo zvisingafaniri kutishamisa? (b) Jehovha munhu chaiye kupfuura chero chinhu chatinogona kuona nokubata mupfungwa ipi?

16 Asi, vamwe havana chokwadi nekodzero iyoyo, sezvakaita Farao. Chimwe chinonetsa ndechokuti vanhu vasina kukwana vanonyanya kugutsikana nezvavanogona kuona nemaziso avo. Hatigoni kuona Changamire Ishe. Munhu womudzimu, asingaonekwi nemaziso evanhu. (Johani 4:24) Kunze kwezvo, kudai munhu wenyama neropa aizomira pamberi chaipo paJehovha Mwari, munhu iyeye aifa. Jehovha pachake akaudza Mosesi kuti: “Haungaoni chiso changu, nokuti hakuna munhu ungandiona, akazorarama.”—Eksodho 33:20; Johani 1:18.

17 Izvozvo hazvifaniri kutishamisa. Mosesi akangoona chikamu chiduku bedzi chokubwinya kwaJehovha, sezviri pachena achishandisa ngirozi kuti imumiririre. Zvikaguma nei? Chiso chaMosesi chakasara chi“chibwinya” kwechinguva. VaIsraeri vakatya kunyange kunyatsotarisa chiso chaMosesi.  (Eksodho 33:21-23; 34:5-7, 29, 30) Chokwadizve, hapana munhuwo zvake aigona kutarira Changamire Ishe nembiri yake yose! Izvi zvinoreva kuti haasi munhu chaiye here nokuti hatigoni kumuona kana kumubata? Aiwa, tinotobvuma kuti zvinhu zvizhinji zvatisingaoni zviriko—somuenzaniso mhepo, masaisai enhepfenyuro, uye zvatinofunga. Uyezve Jehovha anogara ariko, haachinjwi nokufamba kwenguva kunyange mabhiriyoni asingaverengeki emakore! Mupfungwa iyoyo, iye munhu chaiye kupfuura zvose zvatinogona kubata nokuona, nokuti zvinoonekwa zvose zvinosakara nokuora. (Mateu 6:19) Zvisinei, tinofanira kufunga nezvake sesimba risiri munhu kana kuti risinganzwisisiki Rakatanga Kuita kuti zvinhu zvose zviitike here? Ngationei.

Mwari Munhu

18. Ezekieri akaratidzwa chii, uye zviso zvina zve“zvisikwa zvipenyu” zviri pedyo naJehovha zvinomirirei?

18 Kunyange zvazvo tisingagoni kuona Mwari, pane ndima dzinofadza dziri muBhaibheri dzinotipa ruzivo rushomanana nezvedenga pacharo. Chitsauko chokutanga chaEzekieri ndomumwe muenzaniso. Ezekieri akaratidzwa sangano raJehovha rokudenga, iro akaona sengoro huru yokudenga. Chinonyanya kufadza kurondedzerwa kwezvisikwa zvomudzimu zvine simba zvakapoteredza Jehovha. (Ezekieri 1:4-10) “Zvisikwa zvipenyu” izvi zviri pedyo zvikuru naJehovha, uye chitarisiko chazvo chinotiudza chimwe chinhu chinokosha pamusoro paMwari wazvinoshumira. Chimwe nechimwe chine zviso zvina—chenzombe, cheshumba, chegondo, uye chomunhu. Sezviri pachena izvi zvinomirira zvinhu zvina zvinokosha paunhu hwaJehovha.—Zvakazarurwa 4:6-8, 10.

19. Chii chinomirirwa (a) nechiso chenzombe? (b) nechiso cheshumba? (c) nechiso chegondo? (d) nechiso chomunhu?

19 MuBhaibheri, nzombe inowanzomirira simba, uye nenzira yakakodzera nokuti imhuka yakasimba zvikuru. Shumbawo inowanzomirira ruramisiro, nokuti ruramisiro yechokwadi inoda ushingi, vara iro shumba dzinozivikanwa naro.  Makondo anozivikanwa nokuda kwokuona kwawo, achiona kunyange zvinhu zviduku-duku zviri kure nemakiromita. Naizvozvo chiso chegondo mufananidzo wakakodzera wouchenjeri hwaMwari hunoona zviri kure. Ko chiso chomunhu? Munhu, akaitwa nomufananidzo waMwari, ndiye bedzi anoratidza chinhu chikuru paunhu hwaMwari—rudo. (Genesi 1:26) Jehovha ane simba, ruramisiro, uchenjeri, uye rudo—zvinogara zvichitaurwa nezvazvo muMagwaro zvokuti zvinganzi pane zvaari ndizvo zvikuru.

20. Tinofanira kunetseka kuti zvimwe unhu hwaJehovha hungave hwakachinja here, uye nei uchipindura kudaro?

20 Tinofanira kunetseka here tichifunga kuti Mwari angave akachinja mumazana emakore kubva paakarondedzerwa muBhaibheri? Aiwa, Mwari haachinji. Anotiudza kuti: “Ini Jehovha handishanduki.” (Maraki 3:6) Pane kugara achichinja-chinja, Jehovha anoratidza kuti ndiBaba vakakodzera chaizvo munzira iyo anoita nayo pamamiriro ezvinhu mamwe nemamwe. Anoratidza zvaari zvakakodzera zvikuru. Pazvose zviri zvina, chinonyanya kudzora ndirwo rudo. Runoonekwa mune zvose zvinoitwa naMwari. Anoshandisa simba rake, ruramisiro uye uchenjeri nenzira yorudo. Kutaura zvazviri, Bhaibheri  rinotaura chimwe chinhu chinoshamisa pamusoro paMwari norudo urwu. Rinoti: “Mwari rudo.” (1 Johani 4:8) Cherechedza kuti haritauri kuti Mwari ane rudo kana kuti Mwari anoda. Asi rinoti Mwari rudo. Rudo, ndizvo zvaari chaizvo, runomukurudzira pane zvose zvaanoita.

“Tarirai, Uyu Ndiye Mwari Wedu”

21. Tichanzwa sei sezvatinosvika pakuziva Jehovha sezvaari zviri nani?

21 Wati waona mwana muduku achiratidza shamwari dzake baba vake here, achivanongedzera achifara nomwoyo wose uye achinzwa kudada achiti, “Avo ndivo baba vangu”? Vanamati vaMwari hapana chinovatadzisa kunzwawo saizvozvo pamusoro paJehovha. Bhaibheri rinofanotaura nezvenguva apo vanhu vakatendeka vachati: “Tarirai, uyu ndiye Mwari wedu.” (Isaya 25:8, 9) Ukanyatsonzwisisa Jehovha sezvaari, unowedzera kunzwa kuti una Baba vakanakisisa vaungafungidzira.

22, 23. Bhaibheri rinorondedzera sei Baba vedu vokudenga, uye tinoziva sei kuti vanoda kuti tive pedyo navo?

22 Baba ava vane ushamwari, vane rudo, uye havasi kure—pasinei nezvave zvichidzidziswa nevamwe vezvechitendero nevazivi. Taisazoyemura Mwari asina ushamwari, uye Bhaibheri harirondedzeri Baba vedu vokudenga nenzira iyoyo. Asi, rinomudana kuti “Mwari anofara.” (1 Timoti 1:11) Anorwadziwawo uye anonzwira tsitsi. Ano“va neshungu pamwoyo pake” apo zvisikwa zvake zvine pfungwa dzakangwara zvinorega kutevera nhungamiro yaanozvipa kuti zvinakirwe. (Genesi 6:6; Pisarema 78:41) Asi patinoita nouchenjeri maererano neShoko rake, ‘tinofadza mwoyo’ wake.—Zvirevo 27:11.

23 Baba vedu vanoda kuti tive pedyo navo. Shoko ravo rinotikurudzira kuti ‘tivatsvanzvadzire tivawane chaizvoizvo, kunyange vasiri kure nomumwe nomumwe wedu.’ (Mabasa 17:27) Zvisinei, zvinobvira sei kuti vanhuwo zvavo vaswedere pedyo naChangamire Ishe wezvakasikwa zvose?