Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?

 CHIDZIDZO 28

Zvii Zvingawanikwa paWebsite yedu?

Zvii Zvingawanikwa paWebsite yedu?

France

Poland

Russia

Jesu Kristu akaudza vateveri vake kuti: “Chiedza chenyu ngachivheneke pamberi pevanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka uye vakudze Baba venyu vari kumatenga.” (Mateu 5:16) Kuti tidaro, tiri kushandisa zvakanaka unyanzvi hwokugadzira zvinhu hwemazuva ano, kusanganisira Indaneti. Website yedu inonzi jw.org, ndiyo nzvimbo yepamutemo yepaIndaneti yokuwana mashoko pamusoro pezvinotendwa neZvapupu zvaJehovha uye mabasa avo. Panowanikwei?

Mhinduro dzemibvunzo yemuBhaibheri inowanzobvunzwa. Unogona kuwana mhinduro dzemimwe mibvunzo inonyanya kukosha inowanzobvunzwa nevanhu. Semuenzaniso, maturakiti anonzi Kutambura Kuchazombopera Here? uye Chokwadi Vakafa Vangararamazve Here? anowanika paIndaneti mumitauro inopfuura 600. Unogonawo kuwana Shanduro yeNyika Itsva mumitauro inopfuura 130 uye zvimwe zvinobatsira pakudzidza Bhaibheri zvakati wandei, kusanganisira bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? uye magazini matsva eNharireyomurindi neMukai! Zvinyorwa zvakawanda zvacho zvinogona kuverengwa kana kuteererwa paIndaneti kana kuti kudhaunirodhwa ari maMP3, maPDF, kana kuti maEPUB. Ungatopirinda mapeji mashomanana kuti upewo munhu anofarira mumutauro wake! Mavhidhiyo anowanikwa mumitauro yakawanda yemasaini. Unogona kuwana kuverengwa kwenyaya yemuBhaibheri seiri kuitika, mitambo yemuBhaibheri, uye mimhanzi yokuti unakidzwe nayo paunenge wakadekara.

Mashoko echokwadi ane chokuita neZvapupu zvaJehovha. Panoiswawo nhau dzichangobva kuitika uye mavhidhiyo pamusoro pebasa redu remunyika yose, zviitiko zvine chokuita neZvapupu zvaJehovha, uye zvatinoita kuti tibatsire vanenge vawirwa nenjodzi. Unogona kuwana zviziviso zvemagungano emunharaunda ari kuuya uye kero dzehofisi dzemapazi edu.

Tichishandisa nzira idzi, tiri kuita kuti chiedza chechokwadi chivheneke munzvimbo dziri kure dzenyika. Vanhu vari mumakondinendi ose vari kubatsirwa, kusanganisira kondinendi iri kure kwazvo inotonhora kupfuura ose inonzi Antarctica. Tinonyengetera kuti “shoko raJehovha rirambe richikurumidza kufamba” munyika yose kuti Mwari akudzwe.2 VaTesaronika 3:1.

  • Website yejw.org iri kubatsira sei vanhu vakawanda kuti vadzidze chokwadi cheBhaibheri?

  • Chii chaungada kutsvaka pawebsite yedu?