Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?

Uchaita Kuda kwaJehovha Here?

Uchaita Kuda kwaJehovha Here?

Tinokutenda nokutora nguva uchiongorora bhurocha rino kuti udzidze pamusoro peZvapupu zvaJehovha, kudzidza nezvemabasa edu uye kuona zvinoitwa nesangano redu. Tinovimba kuti rakubatsira kutiziva sevaya vanoita kuda kwaJehovha mazuva ano. Tinokukurudzira kuti urambe uchiwana zivo yaMwari, uudze vamwe vemumhuri mako neshamwari zvauri kudzidza, uye ugare uchiwadzana nesu pamisangano yedu yechiKristu.—VaHebheru 10:23-25.

Uchaona kuti paunodzidza zvakawanda nezvaJehovha, unowedzerawo kuona kuti zvechokwadi anokuda zvakadini. Uchabva wakurudzirwa kuita zvose zvaunogona kuratidza kuti unomudawo. (1 Johani 4:8-10, 19) Asi ungaratidza sei kuti unoda Mwari nemararamiro aunoita? Nei kuteerera zvaanotaura maererano netsika kwakakunakira zvikuru? Uye chii chichakubatsira kuti ude kuita kuda kwaMwari pamwe chete nesu? Munhu anokudzidzisa Bhaibheri achafara kuongorora newe mhinduro dzichaita kuti iwe nemhuri yako mugone ‘kuramba muri murudo rwaMwari, muchifunga nezvoupenyu husingaperi.’—Judha 21.

Tinokukurudzira kuti urambe uchifambira mberi muchokwadi nokudzidza bhuku rinonzi “Rambai Muri Murudo rwaMwari.”

 

Inzwa zvimwe

Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri?

Bhaibheri riri kupa mhinduro dzemibvunzo inokosha muupenyu kumamiriyoni akawanda evanhu panyika. Unodawo here kubatsirwa?

Chii Chinonzi Chidzidzo cheBhaibheri?

Wana mhinduro dzemibvunzo ine chokuti neurongwa hwokudzidza Bhaibheri pasingabhadharwi.