Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?

 CHIDZIDZO 4

Takabudisirei Shanduro yeNyika Itsva?

Takabudisirei Shanduro yeNyika Itsva?

Congo (Kinshasa)

Rwanda

Chikamu cheSymmachus chine zita raMwari pana Pisarema 69:31, zana remakore rechitatu kana kuti rechina C.E.

Kwemakumi emakore, Zvapupu zvaJehovha zvakashandisa, zvakadhinda uye zvakaparadzira shanduro dzakasiyana-siyana dzeBhaibheri. Asi takabva taona kuti paifanira kubudiswa shanduro itsva yaizobatsira vanhu zviri nani kuti vawane “zivo yakarurama pamusoro pechokwadi,” zviri izvo zvinodiwa naMwari kumunhu wose. (1 Timoti 2:3, 4) Naizvozvo, muna 1950 takatanga kubudisa muChirungu zvikamu zveBhaibheri redu riri mumutauro wemazuva ano rinonzi Shanduro yeNyika Itsva. Bhaibheri iri rakashandurwa nokutendeseka uye zvakarurama mumitauro inopfuura 130 kusanganisira Shona.

Paidiwa Bhaibheri riri nyore kunzwisisa. Mitauro inochinja nokufamba kwenguva, uye shanduro dzakawanda dzine mashoko anozivikanwa nevashoma kana kuti echinyakare akaoma kunzwisisa. Uyewo, pakawanikwa zvinyorwa zvekare zvakati wedzerei kururama uye zvakada kufanana nezvepakutanga, zvichiita kuti tinzwisise zviri nani chiHebheru, chiAramaiki uye chiGiriki chemuBhaibheri.

Paidiwa shanduro yakavimbika kushoko raMwari. Pane kuti vaite madiro nezvinyorwa zvakafuridzirwa zvaMwari, vashanduri veBhaibheri vanofanira kuva vakatendeseka kumashoko aro akatanga kunyorwa. Zvisinei, mushanduro dzakawanda, zita raMwari, Jehovha, harishandiswi muMagwaro Matsvene.

Paidiwa Bhaibheri rinopa mbiri kuMunyori waro. (2 Samueri 23:2) MuShanduro yeNyika Itsva, zita raJehovha rakadzorerwa parinowanika kanenge ka7 000 muzvinyorwa zvekare-kare zveBhaibheri sezvinoratidzwa pamufananidzo uri pasi apa. (Pisarema 83:18) Nemhaka yokuti rakavapo pashure pemakore ekutsvakurudza nesimba, Bhaibheri iri rinonakidza kuverenga sezvo richinyatsobudisa mafungiro aMwari. Kunyange uine Shanduro yeNyika Itsva kana kuti kwete, tinokukurudzira kuti uve netsika yokuverenga Shoko raJehovha zuva nezuva.—Joshua 1:8; Pisarema 1:2, 3.

  • Nei takasvika pakusarudza kuti panofanira kuva neshanduro itsva yeBhaibheri?

  • Ndezvipi zvingaitwa zuva nezuva zvakanakira chero ani zvake anoda kudzidza kuda kwaMwari?

Inzwa zvimwe

Bhaibheri—Bhuku Rinobva Kuna Mwari

Bhaibheri ringakubatsira sei kukunda matambudziko ako? Nei uchigona kuvimba nezvarinotaura?