Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?

 CHIDZIDZO 11

Nei Tichipinda Magungano Makuru?

Nei Tichipinda Magungano Makuru?

Mexico

Germany

Botswana

Nicaragua

Italy

Nei vanhu ava vachiratidza kufara zvikuru? Vari pane rimwe remagungano edu. Sezvaingoitwa nevashumiri vaMwari vekare vairayirwa kuti vaungane katatu pagore, tinotarisira kuzonakidzwa nokuungana pamwe chete mumapoka akakura. (Dheuteronomio 16:16) Gore negore, tine zviitiko zvitatu: magungano edunhu maviri ezuva rimwe chete uye gungano remunharaunda remazuva matatu. Tinobatsirwa sei nemagungano aya?

Anosimbisa ukama hwedu hwechiKristu. Sekungofara kwaiita vaIsraeri pavairumbidza Jehovha “pakati pemapoka evanhu vakaungana,” isuwo tinonakidzwa nokumunamata takaungana pazviitiko zvinokosha. (Pisarema 26:12; 111:1) Magungano aya anopa mukana wokuungana uye wokushamwaridzana neZvapupu zvekune dzimwe ungano kunyange zvinobva kune dzimwe nyika. Masikati tinodya pamwe chete panzvimbo inoitirwa gungano, zvichiwedzera kunakidza kwenguva idzi dzokunamata. (Mabasa 2:42) Pamagungano aya tinozvionera rudo runobatanidza “sangano [redu] rose rehama” munyika yose.1 Petro 2:17.

Anotibatsira kufambira mberi pakunamata. VaIsraeri vakabatsirwawo ‘nokunzwisisa mashoko’ eMagwaro avaitsanangurirwa. (Nehemiya 8:8, 12) Isuwo tinokoshesa mirayiridzo yemuBhaibheri yatinowana pamagungano edu. Purogiramu imwe neimwe ine musoro unobva muMagwaro. Tinodzidza kuita zvinodiwa naMwari muupenyu hwedu kuburikidza nehurukuro dzinonakidza, hurukuro dzokusiyirana uye kuenzanisira. Tinokurudzirwa patinonzwa zvakaitika kune vaya vari kukwanisa kutsungirira muedzo wokurarama sevaKristu munguva dzino dzakaoma. Mitambo inoitwa pamagungano emunharaunda inoita kuti tione nyaya dzomuBhaibheri sezvinhu chaizvo uye inotidzidzisa zvinhu zvinobatsira. Pagungano rimwe nerimwe, vaya vanoda kuratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Mwari vanobhabhatidzwa.

  • Nei magungano ari nguva dzinofadza?

  • Ungabatsirwa sei nokupinda gungano?

Inzwa zvimwe

Vhidhiyo Pfupi: Magungano Egore Negore eZvapupu zvaJehovha

Ona kuti nei mamiriyoni pasi rose achipinda gungano iri rinokosha.