Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?

 CHIDZIDZO 23

Mabhuku Edu Anonyorwa Uye Anoshandurwa Sei?

Mabhuku Edu Anonyorwa Uye Anoshandurwa Sei?

Dhipatimendi Rokunyora, U.S.A.

South Korea

Armenia

Burundi

Sri Lanka

Kuti tiite zvose zvatinogona pakuzivisa “mashoko akanaka” ku“marudzi ose nemadzinza nendimi nevanhu,” tinobudisa mabhuku mumitauro inopfuura 750. (Zvakazarurwa 14:6) Tinoita sei basa iri rakaoma? Tinoriita tichibatsirwa nevanoita basa rokunyora vari munyika dzakasiyana-siyana uye boka revashanduri vakazvipira vose vari Zvapupu zvaJehovha.

Mashoko acho anotanga kunyorwa ari muChirungu. Dare Rinotungamirira rinotarisira zvinoitwa neDhipatimendi Rokunyora riri pamuzinda wedu wepasi rose. Dhipatimendi iri rinoronga mabasa evanyori vanoshanda pamuzinda uye pane mamwe mahofisi emapazi. Kuva nevanyori vakasiyana-siyana kunoita kuti tinyore nyaya dzinobata-bata vanhu vane tsika dzakasiyana-siyana kuitira kuti mabhuku edu afadze vanhu vari mupasi rose.

Mashoko acho anotumirwa kuvashanduri. Pashure pokunge mashoko acho akanyorwa agadziriswa uye aonekwa kuti anoita, anotumirwa nekombiyuta kumapoka evashanduri vari pasi pose, avo vanoshandura, voongorora mashoko avanenge vashandura uye kuaverenga. Vanoedza kusarudza “mashoko akarurama echokwadi” anonyatsobudisa zvinorehwa neChirungu mumutauro wavo.Muparidzi 12:10.

Makombiyuta anoita kuti basa rikurumidze. Kombiyuta haigoni kutsiva vanhu vanonyora uye vanoshandura. Zvisinei, mabasa avo anogona kuitwa kuti akurumidze nokushandisa makombiyuta. Zvapupu zvaJehovha zvakagadzira purogiramu inonzi Multilanguage Electronic Publishing System (MEPS). Inoita kuti vakwanise kutaipa mashoko mumazana emitauro, kubatanidza mashoko acho nemifananidzo zvoita kuti zvinyorwa zvacho zvigone kudhindwa.

Nei tichiedza kuita zvose izvi, kunyange pamitauro inongotaurwa nezviuru zvishomanana zvevanhu? Nokuti Jehovha anoda kuti “vanhu vemarudzi ose vaponeswe uye vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.”1 Timoti 2:3, 4.

  • Mabhuku edu anonyorwa sei?

  • Nei tichishandura mabhuku edu mumitauro yakawanda kudaro?