Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?

 CHIDZIDZO 22

Pahofisi Yebazi Panoitwei?

Pahofisi Yebazi Panoitwei?

Solomon Islands

Canada

South Africa

Nhengo dzemhuri yeBheteri dzinoshanda mumadhipatimendi akasiyana-siyana, kutarisira basa rokuparidza munyika imwe chete kana kuti dzakawanda. Vangashanda mumapoka eshanduro, kudhinda magazini, kubatanidza mabhuku, kurongedza zvinyorwa zvinenge zvadhindwa, kugadzira maCD nemavhidhiyo kana kuita zvimwewo zvinhu zvenyika dzakapoteredza.

Dare Rebazi rinotarisira basa racho. Dare Rinotungamirira rinoita kuti kushanda kwehofisi yebazi imwe neimwe kutarisirwe neDare Rebazi iro rinoumbwa nevakuru vanonyatsokwanisa vatatu kana kuti vanopfuura. Dare Rebazi rinogara richiudza Dare Rinotungamirira nezvokufambira mberi kwezvinoitwa munyika imwe neimwe yarinotarisira uye nezvematambudziko chero api angamuka. Mishumo yakadaro inobatsira Dare Rinotungamirira kuti risarudze kuti inyaya dzipi dzinofanira kuzokurukurwa muzvinyorwa munguva yemberi, uye pamisangano nepamagungano. Vamiririri veDare Rinotungamirira vanogara vachitumwa kunoshanyira mapazi vachipa Matare Emapazi mirayiridzo yemaitirwo emabasa avo. (Zvirevo 11:14) Panorongwa purogiramu inokosha inosanganisira hurukuro inopiwa nomutariri anoshanyira mapazi kuti vaya vanogara mundima yebazi racho vakurudzirwe.

Ungano dzomundima yebazi racho dzinotsigirwa. Hama dzakagadzwa kuti dzitarisire zvinhu pahofisi yebazi dzinobvumira kuumbwa kweungano itsva. Hama dzacho dzinotungamirirawo basa remapiyona, mamishinari uye vatariri vanofambira vanoshumira mundima yebazi. Dzinoronga magungano edunhu neeruwa, dzinotarisira kuvakwa kweDzimba dzoUmambo itsva uye dzinoona kuti zvinyorwa zvatumirwa kuungano kuti hama dzibatsirike. Zvose zvinoitwa pabazi zvinobatsira kuti basa rokuparidza riitwe zvakarongeka.1 VaKorinde 14:33, 40.

  • Matare Emapazi anobatsira sei Dare Rinotungamirira?

  • Zvii zvinoitwa pahofisi yebazi?