Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2016

 ZVAKAITIKA GORE RAKAPERA

Chiedza Chinoramba Chichiwedzera Kupenya

Chiedza Chinoramba Chichiwedzera Kupenya

NEMHAKA yekuti vanamati vechokwadi vanobvuma kuti kuna Jehovha ndiko kunobva chiedza chezvekunamata, vanonyengeterera kuti ‘chiedza chake nechokwadi chake’ zvivatungamirire. (Pis. 43:3) Nyika ino pairi murima rezvekunamata, Mwari wechokwadi ari kuramba achiita kuti vanhu vake vaone chiedza. Izvi zviri kuita kuti nzira yavo ive “sechiedza chinopenya chinoramba chichiwedzera kupenya.” (Zvir. 4:18) Chiedza chinobva kuna Jehovha chiri kuramba chichiwedzera kujeka pamarongerwo anofanira kuitwa zvinhu musangano, pamararamiro atinofanira kuita uye chiri kuita kuti tiwedzere kunzwisisa zvinodzidziswa neBhaibheri. Mumakore achangopfuura, ndezvipi zvimwe zvinhu zvakachinja pamanzwisisiro ataiita dzimwe dzidziso dzeBhaibheri?