Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2016

Rugwaro Rwegore Rwa2016

“Kudanana kwenyu sehama ngakupfuurire.”—VaHebheru 13:1

Rugwaro Rwegore Rwa2016

“Vazhinji . . . vachavengana. . . . Rudo rwevazhinji ruchatonhora.” (Mat. 24:10, 12) Mashoko aya aJesu airatidza kuti vanhu vaizorarama makore mashoma Jerusarema risati raparadzwa muna 70 C.E., vaizozivikanwa nekushaya rudo. Asi vadzidzi vaKristu vaizozivikanwa nekuratidza rudo. (Joh. 13:35) VaKristu vechiHebheru vaiva muJerusarema  vanofanira kunge vakakurudzirwa chaizvo pavakaverenga mashoko aPauro airatidza kuti aiziva kuti vaidanana uye ayo aivakurudzira kuramba vachidaro.

Mazuva ano tiri kuswedera pedyo nekuguma kwenyika yakaipa yaSatani. Kungofanana nehama dzedu dzakararama pakatanga chiKristu, tiri kurarama pakati pevanhu vanoda mari, vanoda mafaro, uye vanozvida asi vasingadi Mwari kana muvakidzani. (2 Tim. 3:1-4) Asi rudo rwechiKristu rwakazara pakati peZvapupu zvaJehovha munyika yese. Ngatirambei tichidanana sehama kuti tirumbidze Jehovha, uyo anonyatsoratidza rudo zvakakwana.