Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2016

 INDONESIA

Kuratidza Rudo rwechiKristu Panoitika Njodzi

Kuratidza Rudo rwechiKristu Panoitika Njodzi

KUDENGENYEKA kwenyika, matsunami, uye kuputika kwemakomo zvinowanzokanganisa upenyu hwevanhu muIndonesia. Panoitika njodzi dzakadai, Zvapupu zvaJehovha zvinokurumidza kubatsira vaya vanenge vasangana nenjodzi dzacho, kunyanya hama dzavo dzechiKristu. Semuenzaniso, muna 2005 kudengenyeka kwenyika kukuru kwakaparadza Gunungsitoli, taundi guru riri paNias Island kuNorth Sumatra. Ungano dziri pachitsuwa chiri pedyo cheSumatra pamwe chete nehofisi yebazi zvakakurumidza kutumira zvinhu zvekuyamura kunzvimbo yacho. Mutariri wedunhu weko uye mumiririri webazi vakaenda nendege kuchitsuwa chacho kuti vanokurudzira hama nekudzisimbisa. “Vanhu vakanga vakatipoteredza vakanga vapera simba nekutya,” anodaro Yuniman Harefa, mukuru wemuNias. “Asi kubatsirwa kwatakaitwa nekukurumidza nesangano raMwari kwakaita kuti tione kuti takanga tisiri tega.”