Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2016

 INDONESIA

Ndakapotsa Ndaurayiwa Nevapanduki vechiCommunist

Ronald Jacka

Ndakapotsa Ndaurayiwa Nevapanduki vechiCommunist
  • AKABEREKWA MUNA 1928

  • AKABHABHATIDZWA MUNA 1941

  • NHOROONDO YOUPENYU Akashanda semuranda webazi muIndonesia kwemakore anopfuura 25.

MANGWANANI-NGWANANI emusi wa1 October 1965, masoja ainge akabatana nebato rainzi Indonesian Communist Party (PKI) akauraya vakuru vakuru 6 vemasoja uye iyi yaiva nzira yekuda kupidigura hurumende. Hurumende yakabva yangotanga kurwisa vapanduki vacho. Munyika yacho yese makava nebongozozo rakaguma nekuurayiwa kwevanhu vanenge 500 000 vaifungidzirwa kuti ndevebato racho.

Pashure pemavhiki akati kuti izvi zvaitika, mumwe mukuru wemasoja akandiudza kuti zita rangu rakanga rakanyorwa pekutanga chaipo pamazita evatungamiriri vemachechi vemunharaunda yedu vaida kuurayiwa nemacommunist. Akatoti aida kunondiratidza guva randakanga ndachererwa, asi ndakamurambira zvinyoro nyoro. Panguva iyi yainyanya kupisapisa nyaya dzezvematongerwo enyika, ndakanga ndisingadi kuonekwa ndichifamba naye nekuti zvaizoita kuti vanhu vanondiona vafunge kuti ndava nedivi randinotsigira mune zvematongerwo enyika.