Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2016

 INDONESIA

Makore 50 Ari Piyona Chaiye0

Alisten Lumare

Makore 50 Ari Piyona Chaiye0
  • AKABEREKWA MUNA 1927

  • AKABHABHATIDZWA MUNA 1962

  • NHOROONDO YOUPENYU Aimbova mukuru wemapurisa asi akazoshanda sapiyona chaiye kwemakore anopfuura 50.

MUNA 1964, ndakakumbirwa kuti ndinoshumira sapiyona chaiye kuManokwari, West Papua, uko kwaiva neungano diki yaipikiswa zvakasimba nevafundisi vemunharaunda yacho. Ndichangobva kusvika, mumwe mufundisi weimwe chechi yakabuda muRoma akangoerekana ati vhuu pamba pangu akaguta nehasha.

Akashevedzera akatsamwa achiti: “Ndichapwanya imba ino ndodzinga Zvapupu zvaJehovha zvese zviri muManokwari.”

Sezvo ndakamboshanda semupurisa, handina kana kumbotyiswa nezvaaitaura. Asi ndakangomupindura neunyoro, uye akabva aenda hake mune zvakanaka.—1 Pet. 3:15.

Panguva iyoyo, muManokwari maingova nevaparidzi 8. Iye zvino papfuura makore 50, uye kwatova neungano 7. Vanhu vanopfuura 1 200 vakapinda gungano rakaitwa ikoko muna 2014. Ndinogutsikana chaizvo pandinofunga nezvezvinhu zvakaitwa naJehovha kunzvimbo iyi iri kwayo yega.

Inzwa zvimwe

Chii Chinonzi Piyona?

Zvimwe Zvapupu zvinopedza maawa 30, 50, kana kuti kunyange anopfuura pamwedzi mubasa rokuparidza. Chii chinovakurudzira?

Sei Zvapupu zvaJehovha Zvichiparidza Paimba Neimba?

Ona kuti Jesu akaudza vadzidzi vake vepakutanga-tanga kuitei.