Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2016

 INDONESIA

Takaramba Kusiya Kutenda Kwedu

Daniel Lokollo

Takaramba Kusiya Kutenda Kwedu
  • AKABEREKWA MUNA 1965

  • AKABHABHATIDZWA MUNA 1986

  • NHOROONDO YOUPENYU Piyona chaiye akaramba akatendeka paaitambudzwa.

MUSI wa14 April 1989, pandaiitisa musangano mutaundi reMaumere, paFlores Island, vakuru vakuru vehurumende vakangoerekana vati pindikiti mumba mataiva vakandisunga pamwe chete nehama mbiri neimwe hanzvadzi.

Magadhi epajeri remunharaunda yacho akaedza kutimanikidza kusaruta mureza. Patakaramba, akatirova, akatikava uye akatimisa muzuva raigocha kwemazuva mashanu. Usiku taigwagwadza nechando takarara pafuroo pasina chakawaridzwa tiri muzvitokisi zvidiki diki, apa tisina kugeza, takaneta uye tichiyuwira nemaronda ekurohwa. Mukuru wemagadhijeri airamba achitiudza kuti tisarute mureza, asi taimupindura kuti, “Hatifi takasaruta mureza.” Kufanana nevaKristu vakawanda vekare nevemazuva ano, takaona kuti ‘kutamburira kururama’ iropafadzo huru.—1 Pet. 3:14.

Inzwa zvimwe

MIBVUNZO INONYANYA KUBVUNZWA

Nei Zvapupu zvaJehovha Zvisingaiti Zvematongerwo Enyika?

Zvine mwoyo wokuda kuzopandukira hurumende here?

“RAMBAI MURI MURUDO RWAMWARI”

Kusaruta Mureza, Kuvhota, Uye Basa Rehurumende

Ipfungwa dzipi dziri mumagwaro dzinogona kukubatsira kuti uve nehana yakachena panyaya idzi?