Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2016

 INDONESIA

Jehovha Akatikomborera Kupfuura Zvataifunga!

Angeragō Hia

Jehovha Akatikomborera Kupfuura Zvataifunga!
  • AKABEREKWA MUNA 1957

  • AKABHABHATIDZWA MUNA 1997

  • NHOROONDO YOUPENYU Akadzokera mumusha waaimbogara uri kure nemaguta, uri pachitsuwa cheNias Island uye akabatsira kuti Imba yoUmambo ivakwe.

MUNA 2013, ungano yedu diki iri muTugala Oyo yakagamuchira mashoko anofadza zvikuru ekuti takanga tava kuzovakirwa Imba yoUmambo! Vakuru vakuru vemunharaunda vakabvumirana nazvo, uye vanhu 60 vemunharaunda yedu vakasaina vachibvumirana nechikumbiro chedu chekuvaka Imba yoUmambo. Mumwe murume akatotiudza kuti, “Chero mukada masiginicha evanhu 200, munoawana.”

Hama mbiri dzine unyanzvi pabasa rekuvaka Dzimba dzoUmambo dzakauya kuzotungamirira pakuvaka imba yedu yoUmambo, iyo yakapera muna November 2014. Hatina kumbobvira tafungidzira kuti ungano yedu yaizombovawo nenzvimbo yekunamatira yakanaka kudaro. Chokwadi, Jehovha akatikomborera kupfuura zvataifunga!

Inzwa zvimwe

Dzimba dzoUmambo dzeZvapupu zvaJehovha—Dzinovakirwei Uye Dzinovakwa Sei?

Nei nzvimbo dzedu dzokunamatira dzichinzi Dzimba dzoUmambo? Dzidza zvakawanda nezvokuti zvivako izvi zvine mwero zvinobatsira sei ungano dzedu.

Chii Chinoitwa paImba yoUmambo?

Ona vhidhiyo iyi uone zvinoitwapo.